Amosi 7:14-17
Amosi 7:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo. Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’ Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.” “Naizvozvo zvanzi naJehovha: “ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
Amosi 7:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’ Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, ‘Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;’ naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”
Amosi 7:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Amosi ndokupindura Amaziya achiti, “Handisi muporofita ini, kana mumwe webato revaporofita. Asi ndinotova mufudzi nomuchengetedzi weminda yamaonde. Saka TENZI ndiye akandibvisa mukufudza mombe, iye TENZI ndiye akanditi, ‘Enda undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’ “Saka zvino chinzwai shoko raTENZI, iyemi muri kuti, ‘Rega kuporofita pamusoro peIsiraeri uye rega kuparidza uchitsoropodza imba yokwaIsaki.’ Naizvozvo zvanzi naTENZI, ‘Mudzimai wenyu achava pfambi muguta muno, vana venyu vakomana navasikana vachafa rufu rwepfumo Nyika yenyu imi ichagovanwa. Iyemi pachenyu muchafira kunyika yakan'ora, uye vaIsiraeri vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
Amosi 7:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Amosi akapindura, akati kunaAmazia: Ini ndakaŋga ndisi muprofita, ndakaŋga ndisi mŋanakomana womuprofita; asi ndakaŋga ndiri mufudzi nomurimi wemiʋonde, Jehova akanditora ndiciteʋera makwai, Jehova akati kwandiri: Enda, undoprofita kuʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Ɀino iwe cinzwa shoko raJehova: Iwe unoti: Rega kuprofita pamsoro paIsraeri, rega kuɗonhedza shoko pamsoro peimba yaIsaka; naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Mukadzi wako ucaʋa cifeʋe muguta, ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nyika yako icaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe umene ucafira munyika isakanaka, ʋuye ʋaIsraeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.
Amosi 7:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)