Amosi 5:18-27
Amosi 5:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Sei muchishuva zuva raJehovha? Zuva iro richava rima kwete chiedza. Zvichaita somunhu akatiza shumba achibva asangana nebere, sokunge akapinda mumba make ndokubata madziro noruoko rwake achibva arumwa nenyoka. Ko, zuva raJehovha haringavi rima here, kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva? “Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato; handifadzwi neungano dzenyu. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo. Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi! “Makandivigira zvibayiro nezvipiriso makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri? Makasimudzira temberi yamambo wenyu, chitsiko chezvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu, wamakazvigadzirira. Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose.
Amosi 5:18-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza. Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka. Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here? “Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa. Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa. Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira. “Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibayiro nezvipo murenje makore ana makumi mana here? Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira. Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.
Amosi 5:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvichakuwanai imi munoti dai zuva raTENZI rachingosvika. Chamunodira chaizvo kuti zuva raTENZI risvike, chii? Izuva rerima kwete rechiedza rakaita somunhu anoti, uku ari kutiza shumba obva anowira mukanwa mebere; kana kuti somunhu anoti pindei mumba ozendama zvake noruoko kumadziro nyoka yobva yamuruma. Ko handiti zuva raTENZI, izuva rerima here, kwete rechiedza, zuva rakati kwirindindi kusviba, risina kana nekanopenya mariri. “Ndinovenga, uye ndinozvidza mazuva enyu makuru, handisi kumbofarira zvangu misangano yenyu yezvokunamata. Kunyange zvenyu mukapira kwandiri mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yembesanwa handisi kuzoigamuchira. Kanawo mipiro yokuwadzana yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa, handisi kuzoitarisa. Ndinyararirei mheremhere yenziyo dzenyu, mumhanzi wamadimbwa enyu handisi kana kuzombouteerera. Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura uye kururama kuitewo sorukova runogarosaruka ruchingoyerera. “Ko makambouya here kwandiri nezvibayiro kana nemipiro kwamakumi mana amakore amakanga muri murenje, nhaimi vemba yaIsiraeri? Imi muchatakura zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvamakazvigadzirira zvinoti Sakuti, mambo wenyu naKaiwani, mwari wenyu wenyenyedzi. Naizvozvo ndichakutorai ndichikuendesai muutapwa mberi kupfuura guta reDhamasikusi.” Ndizvo zviri kutaura TENZI anonziwo Mwari wehondo nehondo.
Amosi 5:18-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munenhamo imi munoshuʋa zuʋa raJehova! Zuʋa raJehova munoriɗa neiko? Ricaʋa rima, haciŋgaʋi ciedza. Ɀicaita somunhu unotiza shumba, ndokusoŋgana neɓere; kana sounopinda mumba, akaɓata pamadziro noruʋoko rwake, ndokurumŋa nenyoka. Ko zuʋa raJehova hariŋgaʋi rima, rikarega kuʋa ciedza here? Hariŋgati, Ɀi! kwaɀo, risino‐kupenya here? Ndinoʋeŋga nokuɀidza mitambo yenyu, handiŋgatoŋgofadzwi neʋuŋgano dzenyu dzakatarwa. Ɀirokwaɀo, kunyaŋge mukandiʋigira ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; handiŋgaʋi nehanya neɀipiriso ɀenyu ɀokuʋoŋga ɀeɀipfuwo ɀenyu ɀakakodzwa. Bvisai pamberi paŋgu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handiɗi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisa ŋgakuyerere semvura, ʋuye kururama sorwizi runoŋgoramba ruciɗira. Nhai imba yaIsraeri, makandiʋigira ɀiɓayiro neɀipo murenje makore anamakumi manna here? Ɀirokwaɀo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni ɀifananidzo ɀenyu, iyo nyeredzi yamŋari wenyu, wamakaɀiitira. Naiɀoɀo ndicakutapisai mberi kweDamasko — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unezita rinonzi Mŋari wehondo.
Amosi 5:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)