Amosi 4:6-9
Amosi 4:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma. Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura, asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa, ndakairova nechirwere nokuvhuvha. Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 4:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mwedzi mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma. Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundonwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemidzambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 4:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndakakubatisai paura nenzara mumaguta enyu ose zvawo ndichikushayisai zvokudya munzvimbo dzenyu dzose. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Uyewo ini ndakamisa mvura kuti irege kunaya kwamuri ipo pachine mwedzi mitatu kuti nguva yokukohwa isvike. Ndaiti pane rimwe guta ndonayisa zvangu mvura pane rimwewo guta ndorega kuinayisa, mumwe munda uchiniwa nemvura mumwewo unenge usina kunayiwa uchiuna. Nokudaro vamaguta maviri kana matatu vaizodzungaira kuenda kuguta rimwechete vachitsvaka mvura yokunwa vasingawane mvura yakakwana. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndakakuparadzirai mbesa dzenyu nezvikukuve nechakuvhuvhu ndikaita kuti zanzwe ramapindu enyu neminda yenyu yamagirepisi zvisare zvisisina chinhu, michero yenyu yemionde nemiorivhi zvikarozvwa nehwiza. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
Amosi 4:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakakupai ʋo meno akacena pamaguta enyu ose, nokushaiwa ɀokudya panɀimbo dzenyu dzose; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ndakakunyimai ʋo mvura, kukohwa kucigere mŋedzi mitatu; ndikainisa paguta rimŋe, ndikasainisa panerimŋe guta; imŋe nɀimbo ikanisirwa mvura, nɀimbo isina‐kunisirwa mvura ikawoma. Naiɀoɀo ʋanhu ʋamaguta maʋiri kana matatu ʋakadzuŋgairira kunerimŋe guta kundonwa mvura, ʋakasaguŋgwa; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiriŋga, nemiʋonde yenyu, nemiorivi yenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Amosi 4:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)