Mabasa 7:9-16
Mabasa 7:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose. “Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya. Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga. Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa. Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye. Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu. Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.
Mabasa 7:9-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Matateguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose. Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashayiwa zvokudya. Zvino Jakobho, akati anzwa kuti kuIjipiti kune zviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu. Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaonekwa naFarao. Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; vakaiswa Ishekemu vakavigwa pabwiro hwakanaka hwakatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori paIshekemu.
Mabasa 7:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Pamusana pokuti mamwe madzitateguru aya akaita shanje naJosefi, akamutengesa kuIjipiti asi Mwari aiva naye. Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose. Zvino kwakauya nzara muIjipiti yose neKanani nokutambura kukuru kwazvo. Madzitateguru edu akashaya zvokudya. Jakobho paakanzwa kuti kune zvokudya kuIjipiti akatuma madzibaba edu kokutanga. Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao. Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu. Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa. Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu.
Mabasa 7:9-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mateteguru ɀaakaŋga acigoɗora Josefa, ʋakamuteŋgesa, akaiswa Egipita; Mŋari akaʋa naye. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamuɓatsira kuti aɗikanwe naFarao, mambo weEgipita, aʋe nokucenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weEgipita noweimba yake yose. Ɀino nzara ikaȿika paEgipita yose neKanani, nenhamo huru; madziɓaɓa eɗu akashaiwa ɀokudya. Ɀino Jakobo, wakati anzwa kuti Egipita kuneɀiyo, pakutaŋga akatuma madziɓaɓa eɗu. Parwendo rwecipiri Josefa akazikanwa naʋakuru ʋake; rudzi rwaJosefa rukaʋonekwa naFarao. Ɀino Josefa akaʋatuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu. Jakobo akaɓurukira Egipita; akazofa, iye namadziɓaɓa eɗu; ʋakaiswa Shekemi, ʋakaʋigwa pabgiro bgakaŋga bgateŋgwa naAbrahama nomuteŋgo wesirveri kuʋanakomana ʋaEmori paShekemi.
Mabasa 7:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)