Mabasa 7:57-60
Mabasa 7:57-60 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro, vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro. Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.
Mabasa 7:57-60 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakadanidzira nezwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwechete; vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Vakataka Sitefano, achidana achiti, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa.
Mabasa 7:57-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote, ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro. Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.
Mabasa 7:57-60 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋakadziʋira nzeʋe dzaʋo, ʋakamhanyira kwaari ʋose pamŋe cete; ʋakamuɓuɗisira kunze kweguta, ndokumutaka namabge; ɀapupu ɀikaisa ŋguʋo dzaɀo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Ʋakataka Stefano, aciɗana aciti: Ishe Jesu, gamucirai mŋeya waŋgu. Akafugama, akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Ishe, musaʋapa mhoȿa yeciʋi ici. Akati areʋa iɀoɀo, akaʋata rufu.
Mabasa 7:57-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)