Mabasa 7:20-23
Mabasa 7:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu. Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake. Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu. “Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri.
Mabasa 7:20-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, akanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; zvino akati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake. “Zvino akati asvika makore ana makumi mana, mwoyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsiraeri.
Mabasa 7:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake. Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito. “Paakanga ava namakore makumi mana, akaita pfungwa yokushanyira hama dzake vaIsiraeri.
Mabasa 7:20-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo Mosesi akaɓerekwa, wakaŋga akaiȿo‐naka kwaɀo; akarerwa mŋedzi mitatu mumba maɓaɓa ʋake; ɀino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunoŋga, akamurera kuti aʋe mŋanakomana wake. Mosesi akadzidziswa ʋucenjeri bgose bgaʋaEgipita; akaʋa nesimba pamashoko napamaɓasa ake. Ɀino wakati aȿika makore anamakumi manna, mŋoyo wake ukaɗa kushanyira hama dzake, ʋana ʋaIsraeri.
Mabasa 7:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)