Mabasa 7:17-22
Mabasa 7:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru. Ipapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti. Akabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa. “Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu. Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake. Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu.
Mabasa 7:17-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti; kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, akanga asina kuziva Josefa. “Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavarayira kuti varase vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa. Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, akanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; zvino akati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake.
Mabasa 7:17-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi. Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe. Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake. Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito.
Mabasa 7:17-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ŋguʋa yecipikirwa cakaŋga capikirwa Abrahama naMŋari, yakati icisweɗera, ʋanhu ʋakawanda, ʋakaita ʋazhinji muEgipita; kuȿikira mumŋe mambo akamuka muEgipita, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa. Iye akaɓata rudzi rweɗu namano, akatambudza madziɓaɓa eɗu, akaʋaraira kuti ʋarashe ʋacece ʋaʋo, kuti ʋarege kuraramiswa. Neŋguʋa iyo Mosesi akaɓerekwa, wakaŋga akaiȿo‐naka kwaɀo; akarerwa mŋedzi mitatu mumba maɓaɓa ʋake; ɀino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunoŋga, akamurera kuti aʋe mŋanakomana wake. Mosesi akadzidziswa ʋucenjeri bgose bgaʋaEgipita; akaʋa nesimba pamashoko napamaɓasa ake.
Mabasa 7:17-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)