Mabasa 7:1-3
Mabasa 7:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’
Mabasa 7:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?” Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani. Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’
Mabasa 7:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mupristi mukuru akati, “Zvinhu izvi ndizvo nhai?” Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari, ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’
Mabasa 7:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’
Mabasa 7:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muprista mukuru akati: Ɀinhu iɀi ndiɀo nhai? Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani, akati kwaʋari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.