Mabasa 6:8-15
Mabasa 6:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge reVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nevokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani, asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo. Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.” Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru. Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro. Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.” Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.
Mabasa 6:8-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Sitefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu. Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKurene, navaArekizandiriya, naveKirikia, naveAsia, vakasimuka vakaita nharo naSitefano. Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, naMweya waaitaura naye. Ipapo vakamutsa varume, vaiti, “Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.” Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota, vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro. “Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ” Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.
Mabasa 6:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sitefani aiva azere nenyasha nesimba akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. Ipapo vamwe vaiva veSinagogu yavaSununguki sokudaidzwa kwayaiitwa, nevokuSairini nevokuArekizandiria nevakabva Kirikia nokuAsia vakamuka kuitirana nharo naSitefani. Asi havana kukwanisana noungwaru naMweya waaitaura ainaye. Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.” Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ” Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
Mabasa 6:8-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Stefano, azere nenyasha nesimba, akaita ɀinoshamisa neɀiratidzo ɀikuru pakati paʋanhu. Ipapo ʋamŋe ʋaʋo, ʋaiʋa ʋesinagoge rainzi raʋasunuŋguki, naʋaKureni, naʋaAreksandria, naʋeKirikia, naʋeAsia, ʋakasimuka ʋakaita nharo naStefano. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kukunda kucenjera kwake, noMŋeya waaitaura naye. Ipapo ʋakamutsa ʋarume, ʋaiti: Takamunzwa acitaura mashoko anomhura Mosesi naMŋari. Ʋakakurudzira ʋanhu, naʋakuru, naʋanyori; ʋakamuwira, ʋakamuɓata, ʋakamuisa kumakurukota, ʋakaisa’po ɀapupu ɀenhema, ɀaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tȿene nomurairo. Nokuti takamunzwa aciti: Uyu Jesu weNazareta ucaparadza nɀimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMosesi. Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere pamakurukota, ʋakamutarisisa, ʋakaʋona ciso cake cakaita seciso comutumŋa.
Mabasa 6:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)