Mabasa 6:5-7
Mabasa 6:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokorasi, Nikano, Timoni, Pamenasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha. Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo. Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.
Mabasa 6:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakatsanangura Sitefano, murume akanga azere nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPirokoro, naNikano, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, nyakupindukira kuchiJudha weAndioki. Vakavaisa pamberi pavapostori; vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo. Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru muJerusaremu; navapristi vazhinji vakagamuchira kutenda.
Mabasa 6:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvavakataura zvakafadza gungano rose. Vakasarudza Sitefani murume akanga azere nechitendero naMweya Mutsvene kouya Firipi naPurokorusi naNikanori koti Timoti naPemenasi naNikorausi wokuAndiyoku akapindukira kuchiJudha. Vakavaunza panavapositori. Ivo vakanamata vakaisa maoko avo pavari. Shoko raMwari rakaenderera mberi uye uwandi hwavadzidzi hwakakura zvikuru kwazvo muJerusaremu. Vapristi vazhinji vakagamuchirawo chitendero.
Mabasa 6:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko iri rikafadza ʋazhinji ʋose, ʋakasanaŋgura Stefano, murume wakaŋga azere nokutenda noMŋeya Mutȿene, naFiripo, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naParmenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia. Ʋakaʋaisa pamberi paʋaapostora; ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo. Shoko raMŋari rikakura, ʋadzidzi ʋakawanda ɀikuru paJerusarema; naʋaprista ʋazhinji ʋakagamucira kutenda.
Mabasa 6:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)