Mabasa 6:12-15
Mabasa 6:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru. Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro. Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.” Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.
Mabasa 6:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ” Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
Mabasa 6:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota, vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro. “Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ” Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.
Mabasa 6:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ” Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
Mabasa 6:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakakurudzira ʋanhu, naʋakuru, naʋanyori; ʋakamuwira, ʋakamuɓata, ʋakamuisa kumakurukota, ʋakaisa’po ɀapupu ɀenhema, ɀaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tȿene nomurairo. Nokuti takamunzwa aciti: Uyu Jesu weNazareta ucaparadza nɀimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMosesi. Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere pamakurukota, ʋakamutarisisa, ʋakaʋona ciso cake cakaita seciso comutumŋa.