Mabasa 5:25-33
Mabasa 5:25-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mumwe munhu akasvika, akavaudza, achiti, “Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutemberi, vamire vachidzidzisa vanhu.” Zvino mukuru navatariri akaenda, akauya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu, kuti vangatakwa namabwe. Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Mupristi mukuru akavabvunza, achiti, “Takakurayirai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.” Zvino Petirosi navapostori vakapindura, vakati, “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu, iye wamakauraya muchimuturika pamuti. Mwari akamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiri noMusununguri, kuti ape vaIsiraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; naMweya Mutsvenewo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuteerera.” Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvauraya.
Mabasa 5:25-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mumwe akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.” Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe. Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru. Akati, “Takakurayirai zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.” Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu! Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti. Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera.” Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa uye vakada kuvauraya.
Mabasa 5:25-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mumwe munhu akasvika, akavaudza, achiti, “Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutemberi, vamire vachidzidzisa vanhu.” Zvino mukuru navatariri akaenda, akauya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu, kuti vangatakwa namabwe. Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Mupristi mukuru akavabvunza, achiti, “Takakurayirai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.” Zvino Petirosi navapostori vakapindura, vakati, “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu, iye wamakauraya muchimuturika pamuti. Mwari akamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiri noMusununguri, kuti ape vaIsiraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; naMweya Mutsvenewo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuteerera.” Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvauraya.
Mabasa 5:25-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe munhu akauya akavataurira achiti, “Varume vamakaisa mujeri, vamire muTemberi vari kudzidzisa vanhu.” Ipapo mukuru wapaTemberi namapurisa vakaenda vakandovatora pasina muchokoto nokuti vaitya kutemwa namatombo navanhu. Pavakauya navo vakavamisa pamberi pedare, mupristi mukuru akavabvunza achiti, “Takanyatsokuyambirai kuti musadzidzise nezita iri asi imi matozadza Jerusaremu nechidzidziso chenyu uye munoda kuti ropa romunhu uyu ritipfukire.” Asi Pita navapositori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu wamakauraya nokumurembedza pamuti. Mwari akamusimudzira kurudyi rwake somutungamiri nomununuri kuti Isiraeri ipinduke iregererwe zvitadzo. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi uyewo Mweya Mutsvene akapiwa naMwari kuna vanomuteerera.” Pavakanzwa izvi vakashatirwa zvikuru kwazvo vakafunga zvokuvauraya.
Mabasa 5:25-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mumŋe munhu akaȿika, akaʋaʋudza, aciti: Tarirai, ʋarume ʋamakaisa mutoroŋgo, ʋaʋa mutembere, ʋamire ʋacidzidzisa ʋanhu. Ɀino mukuru naʋatariri ʋakaenda, ʋakaʋuya naʋo, ʋasiŋgaiti nesimba, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu, kuti ʋaŋgatakwa namabge. Ʋakati ʋaȿika naʋo, ʋakaʋaisa kumakurukota. Muprista mukuru akaʋabvunza, aciti: Takakurairai ɀikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, ɀino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu, muciɗa kuti ropa romunhu uyu riʋuye pamsoro peɗu. Ɀino Petro naʋaapostora ʋakapindura, ʋakati: Tinofanira kuterera Mŋari kupfuʋura ʋanhu. Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakamutsa Jesu, iye wamakaʋuraya mucimuturika pamuti. Mŋari wakamusimudza iye noruʋoko rwake rworudyi, aʋe Mutuŋgamiri noMusunuŋguri, kuti ape ʋaIsraeri kutendeʋuka nekaŋganwiro yeɀiʋi. Isu tiri ɀapupu ɀamashoko iwayo; noMŋeya Mutȿene ʋo, waʋakapiwa naMŋari iʋo ʋanomuterera. Ɀino iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakafa neshuŋgu, ʋakaɗa kuʋaʋuraya.
Mabasa 5:25-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)