Mabasa 5:19-21
Mabasa 5:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa, akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.” Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri.
Mabasa 5:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi mutumwa waIshe wakazarura misuo yetorongo usiku, akavabudisa, akati, “Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.” Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo.
Mabasa 5:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.” Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora.
Mabasa 5:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi mutumŋa waShe wakazarura mikoʋa yetoroŋgo ʋusiku, akaʋaɓuɗisa, akati: Endai, mumire mutembere mucitaura kuʋanhu mashoko ose oƲupenyu ubgu. Ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakapinda mutembere maŋgwanani, ʋakadzidzisa. Ɀino muprista mukuru naʋaiʋa naye, ʋakaȿika, ʋakakokera makurukota neʋuŋgano yose yaʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakatumira ʋanhu kutoroŋgo kuzoʋuya naʋo.
Mabasa 5:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)