Mabasa 4:32-35
Mabasa 4:32-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo. Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo. Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.
Mabasa 4:32-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomwoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusina mumwe aiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose. Vapostori vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose. Nokuti pakanga pasina aishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauya nomutengo wezvakatengeswa, vakazviisa pamberi pavapostori; mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo.
Mabasa 4:32-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose. Vapositori vakapupurira zvokumuka kwaTenzi Jesu nesimba guru, uye nyasha huru dzaiva pavari vose. Pakati pavo pakanga pasina ane chaaishaya nokuti avo vainge vaine minda kana dzimba dzavo vaizvitengesa vachiuya nemari yacho vachizoiisa mumaoko avapositori zvichizogoverwa kuvanhu maererano nezvaidiwa nomunhu.
Mabasa 4:32-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋazhinji ʋose ʋaʋaitenda ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe nomŋeya mumŋe; kwakaŋga kusinomumŋe waiti cimŋe caaiʋa naco ndecake, asi ɀinhu ɀose ʋakati ndeɀaʋose. Ʋaapostora ʋaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikaʋa’po pamsoro paʋo ʋose. Nokuti pakaŋga pasinawaishaiwa pakati paʋo, nokuti ʋose ʋaiʋa neminda kana dzimba, ʋakaɀiteŋgesa, ʋakaʋuya nomuteŋgo weɀakateŋgeswa, ʋakaɀiisa pamberi paʋaapostora; mumŋe nomumŋe akagoʋerwa paakashaiwa napo.
Mabasa 4:32-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)