Mabasa 4:31-32
Mabasa 4:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi. Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo.
Mabasa 4:31-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi. Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomwoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusina mumwe aiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.
Mabasa 4:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi. Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose.
Mabasa 4:31-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋanyeŋgetera, nɀimbo yaʋakaŋga ʋakaʋuŋgana pairi ikazunuŋguswa; ʋakazadzwa ʋose noMŋeya Mutȿene, ʋakataura shoko raMŋari ʋasiŋgatyi. Ɀino ʋazhinji ʋose ʋaʋaitenda ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe nomŋeya mumŋe; kwakaŋga kusinomumŋe waiti cimŋe caaiʋa naco ndecake, asi ɀinhu ɀose ʋakati ndeɀaʋose.
Mabasa 4:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi. Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose.