Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:1-28

Mabasa 4:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu. Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?” Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.” Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.” Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana. Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru. Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo. Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti: “ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuzorwa naIshe uye noMuzodziwa Wake.’ Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete neveDzimwe Ndudzi uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza. Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari, vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana. Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo. Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu; naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru, vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?” Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo; muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu. Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho. Zvino vakati vavarayira kuti vabude paungano, vakarangana pakati pavo, vachiti, “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusaremu vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu. Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichaparadzirwa pakati pavanhu.” Vakavadana vakavarayira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petirosi naJohani vakapindura, vakati kwaari, “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti hatigoni kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa; nokuti munhu akanga aitirwa chiratidzo ichi akanga ana makore makumi mana ane mirawudzo. Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru. Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo; makareva naMweya Mutsvene, nomuromo waBaba vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti, ‘Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakaungana pamwechete, Kurwa naIshe naKristu wake.’ “Nokuti zvirokwazvo Herodhi, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsiraeri vakaunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza; kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu, napakufunga kwenyu, kuti zviitwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pavaitaura kuvanhu vapristi nomukuru mukuru wapaTemberi navaSadhusei vakauya pavari. Vakanga vatsamwiswa nokuti mukudzidzisa nokuparidza zvaJesu vaidzidzisa vanhu vachivaparidza zvokumuka kwavakafa. Vakavabata vakavaisa mujeri kusvikira mangwana acho nokuti akanga atova mauro. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda. Huwandu hwavarume hwaiita zviuru zvinenge zvishanu. Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru. Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani. Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei, ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba. Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona. Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.” Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura. Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti, “Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba. Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.” Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu. Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari. Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika. Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana. Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru. Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi muranda wenyu, “ ‘Ko ivo vechirudzi vanoitireiko bopoto, marudzi avanhu vachiita bangano risina maturo. Madzimambo apasi pose vachinyatsorongana, vatongi vachitoitira Tenzi nomuzodzwa wake bangano.’ “Icho chiri chokwadiwo Herodhi naPontio Pirato nevechirudzi navaIsiraeri vakaungana muguta rino vachirwisa muranda wenyu Mutsvene Jesu wamakazodza kuti zvamakafanoronga nesimba roruoko rwenyu nourongwa hwenyu zviitike.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋacataura naʋanhu, ʋaprista nomukuru wetembere naʋaSaduse ʋakaʋuya kwaʋari, ʋafa neshuŋgu, nokuti ʋakaŋga ʋacidzidzisa ʋanhu, ʋaciparidza kumuka kwaʋakafa munaJesu. Ʋakaʋaɓata, ʋakaʋaisa mutoroŋgo kuȿikira maŋgwana; nokuti akaŋga aʋa maɗekwana. Asi ʋazhinji kunaʋakanzwa shoko ʋakatenda; ʋarume ʋakazoȿika ɀuru ɀineŋge ɀishanu pakuʋereŋgwa kwaʋo. Ɀino fume maŋgwana ʋaɓati ʋaʋo, naʋakuru, naʋanyori ʋakaʋuŋgana paJerusarema; naAnasi, muprista mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuprista mukuru, ʋakaʋaisa pakati paʋo, ʋakaʋabvunzisisa, ʋaciti: Makaɀiita iɀoɀi nesimba rei, kana nezita ripiko? Ɀino Petro, azere noMŋeya Mutȿene, akati kwaʋari: Imi ʋaɓati ʋaʋanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamsoro peɓasa rakanaka, rakaitirwa munhu cirema, napaakaponeswa napo; muziʋe imi mose, naʋanhu ʋose ʋaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakaroʋera pamucinjikwa, iye wakamutswa naMŋari kuʋakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibge rakaɀidzwa nemi ʋaʋaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakunakuponeswa kunomumŋe; nokuti hakunerimŋe zita pasi peɗeŋga, rakapiwa pakati paʋanhu, ratiŋgasunuŋgurwa naro. Ɀino ʋakati ʋaciʋona kusatya kwaPetro naJohane, ʋacinzwisisa kuti ʋaiʋa ʋanhu ʋasina‐kudzidza, ʋasiŋgaziʋi cinhu, ʋakashamiswa; ʋakaʋaziʋa kuti ʋaiʋa naJesu. Ʋakaʋona ʋo munhu, wakaŋga aporeswa, amire naʋo, ʋakashaiwa caʋaŋgapindura naco. Ɀino ʋakati ʋaʋaraira kuti ʋaɓuɗe paʋuŋgano, ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Ʋanhu aʋa ticaʋaita seiko? Nokuti ʋanhu ʋose ʋagere Jerusarema ʋaʋona kwaɀo kuti ciratidzo caitwa naʋo; hatigoni kuramba isu. Asi ŋgatiʋanyeʋere kuti ʋarege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti ɀirege kuramba ɀiciparadzirwa pakati paʋanhu. Ʋakaʋaɗana, ʋakaʋaraira kuti ʋarege cose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petro naJohane ʋakapindura, ʋakati kwaʋari: Toŋgai henyu imi, kana ɀiŋgaʋa ɀakarurama pamberi paMŋari, kuti titerere imi kupfuʋura Mŋari. Nokuti hatigoni isu kurega kutaura ɀatakaʋona, neɀatakanzwa. Ɀino ʋakati ʋawedzera kuʋanyeʋera, ʋakaʋaregedza, ʋasiŋgawani mhoȿa yaʋaŋgaʋaroʋa nayo nokuɗa kwaʋanhu; nokuti ʋose ʋairumbidza Mŋari pamsoro peɀakaitwa; nokuti munhu wakaŋga aitirwa ciratidzo ici wakaŋga anamakore makumi manna anemiraʋudzo. Ʋakati ʋaregedzwa, ʋakaenda kunoʋokwaʋo, ʋakandoʋaʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naʋaprista ʋakuru naʋakuru. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakaɗana kunaMŋari nomŋoyo mumŋe, ʋaciti: Tenzi, ndimi makaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo; makareʋa noMŋeya Mutȿene, nomuromo waɓaɓa ʋeɗu Davidi, muranda wenyu, muciti: Ʋahedeni ʋakaitireiko hasha, Naʋanhu ʋakafuŋgireiko ɀisinamaturo? Madzimambo enyika akamuka, Naʋaɓati ʋakaʋuŋgana pamŋe cete, Kurwa naShe naKristu wake. Nokuti ɀirokwaɀo Herode, naPontio Pirato, naʋahedeni, naʋanhu ʋaIsraeri ʋakaʋuŋganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutȿene, wamakazodza; kuti ʋaite ɀose ɀakaŋga ɀatemŋa noruʋoko rwenyu, napakufuŋga kwenyu, kuti ɀiitwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)