Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:1-14

Mabasa 4:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu. Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?” Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari, vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana. Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo. Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu; naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru, vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?” Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo; muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu. Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho.

Mabasa 4:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pavaitaura kuvanhu vapristi nomukuru mukuru wapaTemberi navaSadhusei vakauya pavari. Vakanga vatsamwiswa nokuti mukudzidzisa nokuparidza zvaJesu vaidzidzisa vanhu vachivaparidza zvokumuka kwavakafa. Vakavabata vakavaisa mujeri kusvikira mangwana acho nokuti akanga atova mauro. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda. Huwandu hwavarume hwaiita zviuru zvinenge zvishanu. Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru. Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani. Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei, ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba. Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona. Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.” Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋacataura naʋanhu, ʋaprista nomukuru wetembere naʋaSaduse ʋakaʋuya kwaʋari, ʋafa neshuŋgu, nokuti ʋakaŋga ʋacidzidzisa ʋanhu, ʋaciparidza kumuka kwaʋakafa munaJesu. Ʋakaʋaɓata, ʋakaʋaisa mutoroŋgo kuȿikira maŋgwana; nokuti akaŋga aʋa maɗekwana. Asi ʋazhinji kunaʋakanzwa shoko ʋakatenda; ʋarume ʋakazoȿika ɀuru ɀineŋge ɀishanu pakuʋereŋgwa kwaʋo. Ɀino fume maŋgwana ʋaɓati ʋaʋo, naʋakuru, naʋanyori ʋakaʋuŋgana paJerusarema; naAnasi, muprista mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuprista mukuru, ʋakaʋaisa pakati paʋo, ʋakaʋabvunzisisa, ʋaciti: Makaɀiita iɀoɀi nesimba rei, kana nezita ripiko? Ɀino Petro, azere noMŋeya Mutȿene, akati kwaʋari: Imi ʋaɓati ʋaʋanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamsoro peɓasa rakanaka, rakaitirwa munhu cirema, napaakaponeswa napo; muziʋe imi mose, naʋanhu ʋose ʋaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakaroʋera pamucinjikwa, iye wakamutswa naMŋari kuʋakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibge rakaɀidzwa nemi ʋaʋaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakunakuponeswa kunomumŋe; nokuti hakunerimŋe zita pasi peɗeŋga, rakapiwa pakati paʋanhu, ratiŋgasunuŋgurwa naro. Ɀino ʋakati ʋaciʋona kusatya kwaPetro naJohane, ʋacinzwisisa kuti ʋaiʋa ʋanhu ʋasina‐kudzidza, ʋasiŋgaziʋi cinhu, ʋakashamiswa; ʋakaʋaziʋa kuti ʋaiʋa naJesu. Ʋakaʋona ʋo munhu, wakaŋga aporeswa, amire naʋo, ʋakashaiwa caʋaŋgapindura naco.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 4

Mabasa 4:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)