Mabasa 3:1-26
Mabasa 3:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni. Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu? Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake. Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe. Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi. Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose. “Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu. Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika. Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu. Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai. Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’ “Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano. Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’ Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.”
Mabasa 3:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Petirosi naJohani vakakwira kutemberi nenguva yokunyengetera yepfumbamwe. Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pasuo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi. Iye akati achiona Petirosi naJohani voda kupinda mutemberi, akakumbira kuti apiwe chipo. Zvino Petirosi akamutarisisa, naJohaniwo, akati, “Titarire.” Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo. Asi Petirosi akati, “Sirivha nendarama handina; asi chandinacho ndinokupai. Nezita raJesu weNazareta, chifamba.” Akamubata ruoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba. Akakwakuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutemberi, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakamuona achifamba, achirumbidza Mwari. Vakamuziva, kuti ndiye aigarira zvipo pamusuo Wakanaka wetemberi; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa. Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo. Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume vaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari? Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye akakudza Muranda wake Jesu, amakaisa kuvatongi mukaramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe. Asi imi makaramba uyo Mutsvene, akarurama, mukakumbira kuti mupiwe muurayi; mukauraya Muvambi woupenyu; iye akamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu. Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoona, nowamunoziva; uye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose. “Asi zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyuwo; asi saizvozvo Mwari akapedzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake achazotambudzika. Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kuna Ishe, dzisvike; atume Kristu, iye Jesu, akagadzwa kare nokuda kwenyu; iye anofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. Nokuti Mosesi akati, ‘Ishe, Mwari wenyu, achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni; muchamuteerera panazvose, zvaanotaura kwamuri. Zvino mumwe nomumwe kana asingateereri Muporofita uyo, achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.’ Navaporofita vose kubva kuna Samueri, navakamutevera, naivo vose vakataura nokuparidza zvamazuva ano. Imi muri vana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abhurahamu, ‘Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.’ Mwari akatanga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvenyu.”
Mabasa 3:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rimwe zuva Pita naJohani vaienda kuTemberi panguva dzokunamata paawa yechitatu masikati. Mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa kwake aitakurwa zuva nezuva achindorariswa pasuo guru rainzi Suorakanaka kuti akumbire rubatsiro kuvanhu vaipinda muTemberi, paakaona Pita naJohani vava kuda kupinda muTemberi, akavakumbira rubatsiro. Pita aina Johani akanyatsomutarisisa akati, “Titarise,” iye ndokuvanan'anidza achitarisira kugamuchira chimwe chinhu kwavari. Asi Pita akati, “Sirivha kana ndarama handina, asi ndinokupa chandinacho. Muzita raJesu Kristu weNazareti, ‘Chifamba.’ ” Ndokubva amubata ruoko rworudyi achimusimudza. Pakarepo tsoka dzake nezviziso zvadzo zvakabva zvasimba. Akakwakuka akamira akafamba akapinda muTemberi pamwechete navo achiti pamwe fambei pamwe osvetuka svetuka achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakamuona achifamba achirumbidza Mwari vakamuziva kuti ndiye uya aigaririra rubatsiro paSuorakanaka reTemberi. Vakakatyamadzwa vakanana kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa. Pita paakazviona akataura kuvanhu achiti, “Varume vaIsiraeri munoshamisika sei nezvizvi? Munotinan'anidza sei sokunge isu ndisu taita kuti afambe nesimba nounamati wedu? Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho Mwari wamadzitateguru edu akarumbidza muranda wake Jesu wamakaturira mukamuramba panaPirato paakafunga zvokumusungunura. Asi imi makaramba mutsvene nomururami mukakumbira kuti mupiwe mhondi mukauraya muridzi weupenyu, iye akamutswa naMwari kuvafi. Isu tiri zvapupu zvaizvozvo. Munhu uyu wamunoona nokuziva asimbaradzwa pamusana pechitendero chake muzita raJesu. Izita raJesu nechitendero chinobva maari chamupa utano uzere sokuonawo kwamuri kuita mose. “Zvino hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita mukusaziva sezvakangoitawo vatongi venyu. Asi Mwari zvaakafanotaura nemiromo yavaporofita vose kuti Mesia wake anofanira kutambudzika. Izvi akazvizadzisa nenzira iyoyi. Nezvo pindukai mutendeuke kuti zvitadzo zvenyu zvipfudzwe kuti nguva iya yokumbofefeterwa nokuvapo kwaTenzi, uye kuti atumire Mesia wamakasarudzirwa, iye Jesu, anofanira kumbochengetedzwa kudenga kusvikira zvinhu zvose zvaitika zvakataurwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vakare. Mosesi akanyatsotaurawo achiti, ‘Tenzi Mwari achakumutsirai muporofita mukati mehama dzenyu sokumutsa kwaakandiita. Munofanira kumuteerera muna zvose zvaanokutaurirai. Ani naani asingateereri muporofita iyeyo achaparadzwa achibviswa mukati mavanhu. Vaporofita vose vakataura kubvira kuna Samueri navamwe vakazotevera vakaparidza nezvamazuva iwaya. Ndimi vana vavaporofita vacho vanorehwa uye vechitenderano chaakaitwa naMwari namadzibaba enyu achiti kuna Abhurahamu, nokumwana wako mhuri dzose dzapasi pose dzichakomborerwa.’ Mwari paakamutsa muranda wake akamutumira pokutanga kwamuri kuti akukomborerei nokukutendeutsai mose kubva kuuipi hwenyu.”
Mabasa 3:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Petro naJohane ʋakakwira kutembere neŋguʋa yokunyeŋgetera yepfumbamŋe. Ɀino mumŋe murume, waikamhina kubva paɗumbu ramai ʋake, wakaŋga acitakurwa; ʋaimuisa zuʋa rimŋe nerimŋe pamukoʋa wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire ɀipo kunaʋaipinda mutembere. Iye wakati aciʋona Petro naJohane ʋoɗa kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe cipo. Ɀino Petro akamutarisisa, naJohane ʋo, akati: Titarire. Akaʋatarira, aciti ndicapiwa cinhu naʋo. Asi Petro akati: Sirveri nendarama handina; asi candinaco ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, cifamba. Akamuɓata ruʋoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake neɀiziso ɀetsoka dzake ɀakasimba. Akavazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda naʋo mutembere, akafamba acipembera, acirumbidza Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakamuʋona acifamba, acirumbidza Mŋari. Ʋakamuziʋa, kuti ndiye waigarira ɀipo pamukoʋa Wakanaka wetembere; ʋakakatyamara ɀikuru nokushamiswa neɀaakaitirwa. Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo. Ɀino Petro wakati aciʋona iɀoɀo, akapindura ʋanhu, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, mashamiswa neiko pamsoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setineŋge tamufambisa nesimba reɗu, kana nokunamata kweɗu Mŋari? Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuʋatoŋgi mukamuramba pamberi paPirato, iye atoŋga kuti asunuŋgurwe. Asi imi makaramba uyo Mutȿene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muʋurayi; mukaʋuraya Muʋambi woʋupenyu; iye, wakamutswa naMŋari kuʋakafa; iye, watiri ɀapupu ɀake isu. Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoʋona, nowamunoziʋa; ʋuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa ɀakanaka kuɗai pamberi penyu mose. Asi ɀino, hama dzaŋgu, ndinoziʋa kuti makaɀiita nokusaziʋa, saʋaɓati ʋenyu ʋo; asi saiɀoɀo Mŋari wakapedzisa ɀaakamboreʋa nomuromo waʋaprofita ʋose, kuti Kristu wake ucazotambudzika. Naiɀoɀo tendeʋukai, mudzoke, kuti ɀiʋi ɀenyu ɀidzimŋe, kuti ŋguʋa dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dziȿike; atume Kristu, iye Jesu, wakagadzwa kare nokuɗa kwenyu; iye unofanira kugamucirwa kuɗeŋga kuȿikira ŋguʋa yokugadzirwa kweɀinhu ɀose, yakarebga naMŋari nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene kubva pakutaŋga. Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mŋari wenyu, ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; mucamuterera paɀose, ɀaanotaura kwamuri. Ɀino mumŋe nomumŋe kana asiŋgatereri Muprofita uyo, ucaparadzwa kwaɀo pakati paʋanhu. Naʋaprofita ʋose kubva kunaSamueri, naʋakamuteʋera, naiʋo ʋose ʋakataura nokuparidza ɀamazuʋa ano. Imi muri ʋanakomana ʋaʋaprofita, naʋesuŋgano, yakaitwa naMŋari namadziɓaɓa enyu, aciti kunaAbrahama: Marudzi ose enyika acaropafadzwa muʋana ʋako. Mŋari wakataŋga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, acidzora mumŋe nomumŋe wenyu paɀakaipa ɀenyu.
Mabasa 3:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)