Mabasa 28:23-24
Mabasa 28:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita. Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda.
Mabasa 28:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vamutarira zuva, vakauya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo ushe hwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurayiro waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana. Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havana kutenda.
Mabasa 28:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakaronga zuva rokusangana naye, vakazouya paaigara vakawanda kwazvo iye akavarondedzera nyaya iyoyi kubva mangwanani kusvikira mauro achipa uchapupu kuhumambo hwaMwari achiedza kuti vabvume nezvaJesu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi navaporofita. Vamwe vakabvuma zvaaitaura vamwewo vakaramba kubvuma.
Mabasa 28:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋamutarira zuʋa, ʋakaʋuya kwaari ʋari ʋazhinji, kwaakaŋga agere, akaʋaɗudzira, aciʋapupurira kwaɀo ʋushe bgaMŋari, akaʋagombedzera pamsoro paJesu, nomurairo waMosesi naʋaprofita, kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana. Ʋamŋe ʋakatenda ɀakataurwa, asi ʋamŋe haʋana‐kutenda.
Mabasa 28:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)