Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 25:1-22

Mabasa 25:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari. Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo. Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza. Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.” Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake. Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa. Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.” Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?” Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu. Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!” Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!” Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi. Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi. Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe. “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera. Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare. Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira. Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu. Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi. Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Fesito akati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuura, akakwira Jerusaremu, achibva Kesaria, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari vakamunyengetera, vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusaremu, kuti vamuvandire vamuuraye panzira. Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako. Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.” Akagara pakati pavo mazuva asingapfuuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akarayira kuti vauye naPauro. Akati asvika, vaJudha vakabva Jerusaremu, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa. Zvino Pauro akazvidavirira, akati, “Handina kutadzira murayiro wavaJudha, kana temberi, kana Kesari.” Zvino Fesito achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati, “Unoda here kukwira Jerusaremu, undotongwako pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?” Ipapo Pauro akati, “Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemiwo zvakanaka. Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.” Ipapo Fesito akataurirana namakurukota, akapindura, akati, “Wazviisa kuna Kesari; kuna Kesari uchaenda.” Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agiripa naBherinike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Fesito. Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa; ndichiri paJerusaremu, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira kuti atongerwe rufu. Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo. Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo. Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo; asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, noomumwe Jesu akanga afa, ainzi naPauro mupenyu. “Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunziro wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusaremu kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo. Asi Pauro akati akumbira kuti achengetwe kuzotongwa namambo mukuru, ndikarayira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene.” Iye akati, “Mangwana muchamunzwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Fesitusi paakauya kudunhu rake mushure memazuva matatu akakwira kuJerusaremu achibva kuSezaria. Vapristi vakuru navakuru vakuru vaVaJudha vakamuzivisa nezvemhosva yavaipa Pauro. Vakamukumbirisa, kuti avaitire mutsa wokuti, Pauro aunzwe kuJerusaremu ivo vaine bangano rokumuhwandira kuti vamuuraye panzira. Fesitusi akapindura achiti, “Pauro ari kuchengetedzwa kuSezaria uye kuti iye Fesitusi pachakewo aitoda kuendako mushure mechinguvana.” Iye akati, “Naizvozvo regai varume vane ukuru pakati penyu vadzike pamwechete neni uye kana pane chakaipa nomunhu uyu mutaure mhosva yaanayo.” Akati garei mazuva asingapfuuri masere kana gumi, akadzika kuSezaria. Ramangwana acho agara pachigaro chake chokutonga akati Pauro aunzwe. Paakauya, vaJudha vakanga vadzika vachibva kuJerusaremu vakamukomba vachimupomera mhosva zhinji dzakaipisisa dzavakanga vasingagoni kuburitsa chokwadi chadzo. Pauro, achizvidzivirira, akati, “Handina kana kutyora mutemo wavaJudha kana weTemberi kana kutadzira Siza.” Pamusana pokuda kufadza vaJudha akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusaremu kundotongwa nemhosva dzamhan'arwa kwandiri idzi?” Pauro akati, “Ndimire mudare raSiza kwandinofanira kutongwa. Handina kutadzira vaJudha, sokunyatsozviziva kwamunoita. Kana ndiri munhu akakanganisa uye ndakapara mhosva ipi neipi zvayo inokodzera kuti ndife handisi kuda kutsvaga kupunyuka rufu asi pane zvavari kundimhan'arira kana pasina mhosva hapana angakwanise kunditurira mumaoko avo. Ini ndinoda kuti mhosva yangu ichisvitswa kuna Siza.” Ipapo, Fesitusi, mushure mokunge ambobvunzawo makurukota ake akapindura achiti, “Wakumbira kuti mhosva yako isvitswe kuna Siza, kuna Siza ndiko kwauchaenda.” Kwakati kwapera mamwe mazuva mambo Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi. Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge. Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa. Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe. Vamhan'ari pavakasimuka havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu. Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi. Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.” Agiripa akati kuna Fesetusi, “Ndingade ini pachangu kunzwa murume uyu.” Iye akati, “Muchamunzwa mangwana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Festo wakati aȿika panyika iyo, mazuʋa matatu apfuʋura, akakwira Jerusarema, acibva Kesaria, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamhaŋarira Pauro kwaari, ʋakamunyeŋgetera, ʋakakumbira kuti aʋafadze pamsoro pake, amuɗanire Jerusarema, kuti ʋamuʋandire ʋamuʋuraye panzira. Asi Festo wakapindura, aciti Pauro wakaceŋgetwa Kesaria, ʋuye kuti iye amene wakaŋga okurumidza kuenda’ko. Akati: Aʋo ʋanesimba pakati penyu, ŋgaʋaɓuruke neni; kana kunecinhu cisakafanira kumunhu uyu, ŋgaʋamupomere mhoȿa. Akagara pakati paʋo mazuʋa asiŋgapfuʋuri masere kana gumi, ndokuɓurukira Kesaria; fume maŋgwana akagara pacigaro cokutoŋga, akaraira kuti ʋaʋuye naPauro. Wakati aȿika, ʋaJuda ʋakabva Jerusarema, ʋakamukomba, ʋakamupomera mhoȿa zhinji dzakaipa, dzaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kusimbisa. Ɀino Pauro akaɀiɗaʋirira, akati: Handina‐kutadzira murairo waʋaJuda, kana tembere, kana Kesari Ɀino Festo aciɗa kufadza ʋaJuda, akapindura Pauro akati: Unoɗa here kukwira Jerusarema, undotoŋgwa’ko pamberi paŋgu pamsoro peɀinhu iɀi? Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pecigaro cokutoŋga caKesari, pandinofanira kutoŋgwa; handina‐kuitira ʋaJuda ɀisakarurama, seɀamunoziʋa nemi ʋo ɀakanaka. Ɀino kana ndineŋge ndisakarurama, ndaita cinhu cinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasinecinhu ceɀokwaɗi paɀinhu ɀaʋanondipomera, hakunomunhu uŋgandiisa kwaʋari. Ndinoɀiisa kunaKesari. Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Waɀiisa kunaKesari; kunaKesari ucaenda. Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, mambo Agripa naBerinike ʋakaȿika Kesaria kuzokwazisa Festo. Ʋakati ʋagara mazuʋa mazhinji, Festo akaisa mhoȿa yaPauro kunamambo, aciti: Kunomumŋe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasuŋgwa; ndiciri paJerusarema, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamumhaŋarira, ʋacikumbira kuti atoŋgerwe rufu. ndikaʋapindura, ndikati haizi tsika yaʋaRoma kuisa kumutoŋgi munhu wapomerwa, asati aʋa naʋapomeri pamberi pake, akatenderwa kuɀiɗaʋirira pamsoro pemhoȿa yaanopomerwa nayo. Ɀino ʋakati ʋaʋuŋgana pano, handina‐kunonoka, asi fume maŋgwana ndakagara pacigaro cokutoŋga, ndikaraira kuti ʋaʋuye nomurume uyo. Ɀino ʋapomeri ʋakasimuka, asi haʋana‐kumupomera mhoȿa yeɀinhu ɀakaipa ɀandakaŋga ndiciti ʋacamupomera naɀo; asi ʋakaŋga ʋanamamŋe mashoko okupira kwaʋo, noomumŋe Jesu wakaŋga afa, wainzi naPauro mupenyu. Ɀino ini, ɀandakaŋga ndisiŋgaziʋi mubvunzire weɀinhu ɀakaɗai, ndikabvunza kana aciɗa kuenda Jerusarema kundotoŋgwa ikoko pamsoro peɀinhu iɀoɀo. Asi Pauro wakati akumbira kuti aceŋgetwe kuzotoŋgwa namambo mukuru, ndikaraira kuti aceŋgetwe kuȿikira ndicimutumira kunaKesari. Ipapo Agripa akati kunaFesto: Neni ndinoɗa kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Maŋgwana mucamunzwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)