Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 22:1-29

Mabasa 22:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.” Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi. Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo, sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa. “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose. Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’ “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’ Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni. “Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’ “Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’ Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandipofumadza. “Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo. Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona. “Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make. Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa. Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’ “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’ “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri. Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’ “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kune veDzimwe Ndudzi.’ ” Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!” Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga, mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai. Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?” Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.” Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?” Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.” Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.” Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 22

Mabasa 22:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.” Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati, “Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurayiro wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi; ndikatambudza veNzira iyi kusvikira pakuuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutorongo, mupristi mukuru sezvaangandipupurirawo namakurukota ose; ndikapiwa tsamba navo kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiise Jerusaremu avo vaigarako, vakasungwa, kuti varohwe. “Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose nechiedza chikuru, chaibva kudenga. Ndikawira pasi, ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?’ “Ndikapindura, ndikati, ‘Ndimi aniko Ishe?’ Akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.’ Zvino vaiva neni vakaona chiedza, asi havana kunzwa izwi rowakataura neni. “Ndikati, ‘Ndodiniko, Ishe?’ Ishe akati kwandiri, ‘Simuka, uende Dhamasiko, apo uchaudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.’ Zvino zvandakanga ndisingagoni kuona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruoko navaiva neni, ndikasvika Dhamasiko. “Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, munhu ainamata Mwari sezvinoreva murayiro, aipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo, akauya kwandiri, akamira, akati kwandiri, ‘Sauro, hama, chiona!’ Nenguva iyo ndikamuona. Iye akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akakutsanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make. Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nezvawakanzwa. Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita rake.’ “Zvino ndakati ndadzokera Jerusaremu, ndichinyengetera mutemberi, ndikaita sokubatwa mweya, ndikamuona, achiti kwandiri, ‘Kurumidza, ubve Jerusaremu zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.’ Ipapo ndikati, ‘Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri; uye, musi wakadururwa ropa raSitefano, chapupu chenyu, neniwo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, ndikachengeta nguo dzavaimuuraya.’ “Ipapo akati kwandiri, ‘Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.’ ” Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti, “Akadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.” Vakadanidzira, vakakandira nguo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga, mukuru wechiuru chamazana akarayira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurohwa zvikuru, kuti azive mhosva yavakanga vamupopoterera kudai. Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, akanga amirepo, “Makatenderwa kurova munhu ari muRoma, asina kutongwa here?” Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumukuru wechiuru chamazana, akamuudza akati, “Munoda kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma.” Mukuru wechiuru chamazana akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Akati, “Hongu.” Mukuru wechiuru chamazana akati, “Ini ndakatenga simba iri rokuva muRoma nomutengo mukuru.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.” Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomukuru wechiuru chamazana akatyawo achiziva kuti iye muRoma, uye nokuti akanga amusunga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 22

Mabasa 22:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Varume hama, nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwandinoita pamberi penyu.” Pavakanzwa kuti aitaura kwavari nechiHebheru vakabva vatonyarara zvikuru. Iye akati, “Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno. Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa. “Pandakanga ndiri parwendo rwangu, ndavakusvika kuDhamasikusi, kumasikati–sikati, chiedza chikuru chakabva kudenga chikandipoteredza nokupenya kwacho. Ndakawira pasi ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzireiko.’ Ini ndakapindura ndichiti, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Iye akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareti wauri kutambudza.’ Zvino avo vakanga vaneni vakaona chiedza asi havana kunzwa izwi rewakanga achitaura kwandiri. Ndakati, ‘Ko ndoiteko Tenzi?’ Tenzi akati kwandiri, ‘Chisimuka uende muDhamasikusi. Imomo uchataurirwa zvose zvawakarongerwa kuti uite.’ Sezvandakanga ndisisaone pamusana pokupenya hwechiedza chiya, ndakatoita zvokubatwa ruoko ndichitungamirirwa navandaiva navo ndikapinda muDhamasikusi. “Mumwe munhu anonzi Ananiya, munamati chaiye waMwari maererano nomutemo, aitaurwa zvakanaka nezvake navaJudha vose vaigara ikoko. Akauya kwandiri akasvikomira pandiri akanditi, ‘Hama Sauro chikwanisa kuonazve.’ ” Ndakabva ndava kuona, ndikamuonawo. Iye akati, “Mwari wamadzibaba edu akakusarudza kuti uzive zvaanoda, uye kuti uone Mururami uyewo kuti unzwe izwi rinobva mumuromo make nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose uchipupurira zvawaona nezvawanzwa. Pane chaungamirire here?” Chisimuka uombekwe ushambidzwe zvitadzo uchidaidza zita rake. “Pandakadzokera kuJerusaremu, pandainamata muTemberi ndava muMweya, ndakaona Tenzi achiti kwandiri, ‘Kurumidza ubude muJerusaremu nokukasika nokuti havasikuzogamuchira umboo hwako nezvangu.’ ” Ini ndakati, “Tenzi ivo pachavo vanoziva kuti musinagogu yoga yoga ndaiisa vanhu mujeri ndichirova vaitenda mamuri. Ropa raSitefani chapupu chenyu parakadeurwa ndakanga ndimire pedyo ndichitowirirana nazvo uye ndichitochengeta hanzu dzevakanga vachimuuraya.” Iye akanditi, “Chibva nokuti ndichakutumira kure kure kune vechirudzi.” Kusvikira ipapa vakamuteerera vakazodaidzira vachiti, “Panyika pano, pasi nomunhu wakadai, nokuti haafaniri kurarama.” Pavaidaidzira vachivheyesa hanzu dzavo vachitibura huruva, mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro. Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.” Mutungamiri wezana paakazvinzwa akaenda kumukuru mukuru wamasoja uya akati kwaari, “Ko chii chamuri kuda kuita ichi. Munhu uyu muRoma.” Ipapo mukuru mukuru wamasoja akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Iye akati, “Hongu.” Mukuru mukuru wamasoja akati, “Ndakatenga uRoma ihwohwo nemari yakawanda kwazvo.” Pauro akati, “Asi ini ndakaberekwa ndiine uRoma ihwohwo.” Nokudaro vaya vakanga vachida kumuongorora vakabva paari pakarepo. Naiyewo mukuru mukuru wamasoja akanga avakutotyawo nokuti akanga azviziva kuti Pauro akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 22

Mabasa 22:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai kuɀiɗaʋirira kwaŋgu pamberi penyu ɀino. Iʋo ʋakati ʋacinzwa, kuti wotaura naʋo norurimi rweciHeberu, ʋakanyanya kunyarara. Iye akati: Ini ndiri muJuda, ndakaɓerekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadziɓaɓa eɗu, ndicishiŋgairira Mŋari, semi mose nhasi; ndikatambudza ʋeNzira iyi kuȿikira pakuʋuraya, ndicisuŋga ʋarume naʋakadzi nokuʋaisa mutoroŋgo, muprista mukuru seɀaaŋgandipupurira ʋo namakurukota ose; ndikapiwa ŋwadi naʋo kuhama, ndikaenda Damasko kuti ndiise Jerusarema aʋo ʋaigara’ko, ʋakasuŋgwa, kuti ʋarobge. Ɀino ndakati ndicifamba, ndosweɗera Damasko, aneŋge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose neciedza cikuru, caibva kuɗeŋga. Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza. Ɀino ʋaiʋa neni ʋakaʋona ciedza, asi haʋanakunzwa inzwi rowakataura neni. Ndikati: Ndoɗiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Damasko; apo ucaʋudzwa ɀose ɀakatarwa kuti uɀiite. Ɀino ɀandakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona nokupenya kweciedza ico, ndikasesedzwa noruʋoko naʋaiʋa neni, ndikaȿika Damasko. Ɀino mumŋe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mŋari seɀinoreʋa murairo, waipupurirwa ɀakanaka naʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋagere’po, akaʋuya kwandiri, akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, ciʋona! Neŋguʋa iyo ndikamuʋona. Iye akati: Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakakusanaŋgura, kuti uziʋe kuɗa kwake, nokumuʋona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make. Nokuti iwe ucaʋa capupu cake kuʋanhu ʋose ceɀawakaʋona neɀawakanzwa. Ɀino ucanonokereiko? Simuka, ubapatidzwe, usukwe ɀiʋi ɀako, uɗane zita rake. Ɀino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndicinyeŋgetera mutembere, ndikaita sokuɓatwa mŋeya, ndikamuʋona, aciti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema ɀino‐ɀino, nokuti haʋaŋgagamuciri kupupura kwako pamsoro paŋgu. Ipapo ndikati: Ishe, ʋanoziʋa ʋamene kuti ini ndaiisa mutoroŋgo, nokuroʋa mumasinagoge, aʋo ʋaitenda kwamuri; ʋuye, musi wakaɗururwa ropa raStefano, capupu cenyu, neni ʋo ndakaŋga ndimire’po, ndicibvumira, ndikaceŋgeta ŋguʋo dzaʋaimuʋuraya. Ipapo akati kwandiri: Enda, ndicakutuma kure kuʋahedeni. Ʋakamuterera kuȿikira pashoko iro; ipapo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: wakaɗai ŋgaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama. Ʋakaɗanidzira, ʋakakandira ŋguʋo dzaʋo pasi, ʋacikushira ivu kuɗeŋga, mukuru wecuru camazana akaraira, kuti aiswe kuimba yaʋarwi, aciti abvunzwe nokurobga ɀikuru, kuti aziʋe mhoȿa yaʋakaŋga ʋamupopoterera kuɗai. Ɀino ʋakati ʋamusuŋga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakaŋga amire’po: Makatenderwa kuroʋa munhu uri muRoma, asina‐kutoŋgwa here? Ɀino mukuru wezana wakati aciɀinzwa, akaenda kumukuru wecuru camazana, akamuʋudza akati: Munoɗa kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma. Mukuru wecuru camazana akaʋuya akati kwaari: Ndiʋudze, uri muRoma here? Akati: Hoŋo. Mukuru wecuru camazana akati: Ini ndakateŋga simba iri rokuʋa muRoma nomuteŋgo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaɓerekwa ndiri muRoma. Ɀino ʋakaŋga ʋomubvunzisisa, ʋakabva kwaari pakarepo, nomukuru wecuru camazana wakatya ʋo aciziʋa kuti iye muRoma, ʋuye nokuti wakaŋga amusuŋga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 22

Mabasa 22:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)