Mabasa 20:24-25
Mabasa 20:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari. “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve.
Mabasa 20:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa nalshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari. Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.
Mabasa 20:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari. Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare.
Mabasa 20:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi handinehanya noʋupenyu bgaŋgu, handibguɗi, kuti ndipedze rwendo rwaŋgu neɓasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura kwaɀo Evaŋgeri yenyasha dzaMŋari. Ɀino tarirai, ndinoziʋa kuti imi mose, ʋandakafamba pakati penyu, ndiciparidza ʋushe bgaMŋari, hamucazoʋoni ciso caŋgu.
Mabasa 20:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)