Mabasa 2:38-41
Mabasa 2:38-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
Mabasa 2:38-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa.
Mabasa 2:38-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu.
Mabasa 2:38-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama. Ɀino aʋo ʋakagamucira shoko rake, ʋakabapatidzwa; nezuʋa iro ʋanhu ʋaneŋge ɀuru ɀitatu ʋakawedzerwa.
Mabasa 2:38-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)