Mabasa 2:37-47
Mabasa 2:37-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?” Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo. Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera. Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori. Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa. Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
Mabasa 2:37-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa. Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapostori, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero. Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa navapostori. Navaitenda vose, vaiva pamwechete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo. Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa.
Mabasa 2:37-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu. Vakaramba vangoti kwati kwati nezvaidzidziswa navapositori uye vakaramba vakabatana navo nomukumedura chingwa nomukunamata. Vose vakawirwa nokutya uye zvishamiso nezviratidzo zvizhinji zvakaitwa nomuvapositori. Vose vaitenda vaigara pamwechete, zvinhu zvavo zviri zvavo vose. Vaitengesa zvavaiva nazvo nezvinhu zvavo vachizvigovera vose, munhu achipiwa zvaainge asina. Zuva nezuva, nomwoyo mumwechete vaienda pamwechete kuTemberi vachimedura chingwa mudzimba dzavo. Vaidya chokudya nomwoyo unofara nemwoyo unopa vachirumbidza Mwari vachidiwa navanhu vose. Tenzi vaiwanziridza uwandu hwavo zuva nezuva hwaavo vainge vachiponeswa.
Mabasa 2:37-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaɓayiwa pamŋoyo, ʋakati kunaPetro nokunaʋamŋe ʋaapostora: Ʋarume, hama, ticaiteiko? Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama. Ɀino aʋo ʋakagamucira shoko rake, ʋakabapatidzwa; nezuʋa iro ʋanhu ʋaneŋge ɀuru ɀitatu ʋakawedzerwa. Ʋakatsuŋgirira pakudzidzisa kwaʋaapostora, napakuyanana kwaʋo, napakumeɗura ciŋgwa, napaminyeŋgetero. Ʋanhu ʋose ʋakaɓatwa nokutya; ɀinoshamisa ɀizhinji neɀiratidzo ɀikaitwa naʋaapostora. Naʋaitenda ʋose, ʋaiʋa pamŋe cete, ʋakati ɀinhu ɀose ndeɀaʋose; ʋakateŋgesa fuma yaʋo nenhumbi, ʋakagoʋana naʋose, mumŋe nomumŋe paakashaiwa napo. Ɀuʋa rimŋe nerimŋe ʋakaŋga ʋacitsuŋgirira mutembere nomŋoyo mumŋe, ʋacimeɗura ciŋgwa mudzimba dzaʋo, ʋacidya ɀokudya ɀaʋo nomufaro nomŋoyo wakanaka, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciɗikanwa naʋanhu ʋose. Ishe akawedzera kwaʋari zuʋa rimŋe nerimŋe aʋo ʋaiponeswa.
Mabasa 2:37-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)