Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 19:1-41

Mabasa 19:1-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.” Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.” Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.” Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita. Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose. Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari. Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano. Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe. Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro, zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari. Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.” Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo. Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?” Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa. Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru. Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa. Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu. Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba. Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.” Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva. Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi. Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo. Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri. Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo. Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.” Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!” Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare. Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa. Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare. Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo. VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu. Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!” Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga? Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu. Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu. Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo. Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo. Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.” Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi, akati kwavari, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” Vakati kwaari, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene aripo.” Akati, “Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohani.” Zvino Pauro akati, “Johani akabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwokutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye Jesu.” Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita. Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri. Zvino akapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko oushe hwaMwari. Asi vamwe vakati vachiomesa mwoyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano. Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe, vaJudha navaGiriki. NaMwari akaita masimba anoshamisa namaoko aPauro, nokudaro micheka nenguo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda. Zvino vamwe vaJudha, vauki, vaipotapota, vakaidza kudana zita ralshe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti, “Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.” Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, ainzi Sikeva, mupristi mukuru, vaiita izvozvo. Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari, “Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vanaaniko?” Ipapo munhu aiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasina nguo, vakuvadzwa. Izvozvo zvikazikanwa navose, vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita ralshe rikakudzwa. Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya, vakareurura, nokurondedzera zvamabasa avo. Navamwe vazhinji vaiita un'anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivha ane zviuru zvina makumi mashanu. Naizvozvo shoko ralshe rikakura nesimba, rikakunda. Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumwoyo make kuenda Jerusaremu, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti, “Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundowana Romawo.” Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoti naErasito, iye amene akagara Asia nguva duku. Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo. Nokuti mumwe, ainzi Dhemetirio, mupfuri wesirivha, waiita zvitemberi zvaDhiyana zvesirivha, waifumisa zvikuru mhizha dzapo. Akavaunganidza ivo pamwechete navamwe vabati vezvakadaro, akati, “Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana pfuma yedu. Zvino munoona, nokunzwa, kuti Pauro uyu akatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari. Zvino njodzi ndiyo kuti hahuzi humhizha hwedu bedzi hungazvidzwa, asi kuti temberi yamwarikadzi mukuru Dhiyana ichashorwa, naiye amene, anonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paukuru hwake.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!” Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomwoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naArisitakusi, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro. Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera. Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa. Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwezve; nokuti ungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira. Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu. Ipapo vakati vachiona kuti iye muJudha, izwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti, “Dhiyana wavaEfeso mukuru!” Zvino munyori weguta akanyaradza vanhu, akati, “Varume veEfeso, munhu ndoupiko asingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiwo muchengeti wetemberi yaDhiyana mukuru nowomufananidzo akaburuka kudenga? Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo. Nokuti mauya navarume ava, vasati vari mbavha dzetemberi kana vashori vamwarikadzi wedu. Zvino kana Dhemetirio nedzimwe mhizha naye vane mhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo. “Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa paungano yakafanira. Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusina mhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemheremhere iyi.” Akati ataura izvozvo, akaendesa ungano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi. Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.” Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.” Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.” Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu. Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita. Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri. Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari. Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva, izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki. Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari. Kune vamwe vaJudha vaiva vadzingi vomweya yakaipa vakanga vasingagari panzvimbo imwechete, vakaedza kudoma zita raTenzi Jesu pane vakanga vane mweya yakaipa vachiti, “Ndinokudzinga naJesu anoparidzwa naPauro.” Kwaiva navanakomana vanomwe vomupristi mukuru ainzi Sikevha vaiita izvozvo. Asi mweya wakaipa wakapindura uchiti, “Jesu ndinomuziva naPauro ndinomuziva asi imi ndimi vana ani.” Munhu aiva nomweya wakaipa uya akavasvetukira akavakunda ndokuvakurira vose vari vaviri zvokuti vakatiza mumba imomo vasisina kupfeka uye vakuvara. Izvi zvakazivikanwa navagari vose vokuEfesusi, vose vaJudha navaGiriki. Vose vakawirwa nokutya. Zita raTenzi Jesu rikaremekedzwa. Vazhinji vaiva vatendi vakauya vachireurura nokuburitsa pachena zvavaiita. Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha. Ipapo shoko raTenzi rakakura rikaenderera mberi nesimba. Mushure mezvizvi Pauro akafunga, achibatsirwa naMweya, kuti anofanira kupfuura nokuMasedhonia nokuAkaya achienda kuJerusaremu achiti, “Kana ndamboti garei ikoko ndinofanirawo kundoona Roma.” Mushure mokunge atumira kuMasedhonia vamwe vabatsiri vake vaviri, vanaTimoti naErasitusi iye pachake akambogara kuAsia chinguva. Panguva inenge iyoyo pakamuka nyonganyonga huru nezvenzira yechikristu. Mumwe murume ainzi Dhemetiriusi, mhizha yezvesirivha aiumba tuTemberi twesirivha tudikidiki twamwari Atemisi twaiwanisa mari yakawanda kune vaitwugadzira. Akaunganidza ivava pamwechete navamwe vebasa rakada kuita sairoro akati, “Varume imi munoziva kuti mubasa iri ndimo matinowana upfumi hwedu. Munozviona uye muri kuzvinzwa kuti kwete muEfesusi chete asi kutenge Asia yose, Pauro uyu ari kukurudzira nokutsautsa vanhu vane chitsama chakati kuti, achiti, ‘Vamwari vakaitwa namaoko havasi vamwari.’ Pane njodzi, kwete chete, yokuti shawo yedu iyi ichatorwa sechinhu pasina asi kutiwo Temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi, ichava chinhu pasina uyewo achakoromorwa paukuru hwake, iye anonamatwa neAsia yose uye napasi pose.” Pavakazvinzwa vakashatirwa zvikuru vakazhamba vachiti, “Atemisi wava Efeso mukuru.” Nokudaro guta rakazara nenyonganyonga. Vakapitipidzana munhandare yemitambo vachikwekweredza Gaiusi naArisitakusi, vagari vokuMasedhonia vaifamba naPauro. Pauro akanga ava kuda kupinda mukati memhomho iya asi vadzidzi vakaramba. Uyewo vamwe vakuru vakuru vomuAsia vaiva shamwari dzake vakatuma shoko rokuti ngaarege kana kumboedza zvake kupinda munhandare yemitambo. Paiti ava vanodaidzira ichi vamwe vachidaidzirawo ichi nokuti gungano iroro rakanga rangova nyonganyonga. Vazhinji vavo vakanga vasingamboziva kuti vakanga vaunganira chii. Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo. Pavakaona kuti muJudha, vakaramba vachidaidzira kwamaawa maviri vachiti, “Dhayana wavaEfeso mukuru.” Munyori weguta paakanga anyararidza vanhu akati, “Nhaimi vanhu veEfesusi ndiani asingazivi kuti guta ravaEfesusi ndiro muchengeti wetemberi yaAtemisi mukuru mukuru uye muchengeti wedombo dzvene rakadonha mudenga? Zvamunoona kuti zvinhu izvi hazvina angarambe munofanira kunyarara murege kumhanyirira zvinhu. Mauya navanhu ava asi havasi vapambi veTemberi kana vanhu vanoshonha mwarikadzi wedu. Zvino kana Dhemetiriusi nedzimwe mhizha dzaanadzo vaine chavakatadzirwa nani zvake, matare ariko uye kuna magavhuna. Ngavakwirirane matare. Kana pane zvinopfuura izvozvi zvinotofanira kuenzaniswa nedare riri pamutemo. Tine njodzi yokupihwa mhosva yokumutsa manyongori nhasi nokuti hapana chikonzero chatinogona kupa chinonzwika chenyonganyonga iyi.” Paakapedza kutaura izvi akaparadza ngungano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Aporo aciri paKorinte, Pauro wakati agura namatiʋi enyika okumsoro, akaȿika Efeso, akawana ʋamŋe ʋadzidzi, akati kwaʋari: Makagamucira Mŋeya Mutȿene pakutenda kwenyu here? Ʋakati kwaari: Kwete, hatina‐kutoŋgonzwa kuti Mŋeya Mutȿene uri’po. Akati: Ko makabapatidzwa norubapatidzo rwupiko? Ʋakati: Norubapatidzo rwaJohane. Ɀino Pauro akati: Johane wakabapatidza norubapatidzo rwokutendeʋuka, aciʋudza ʋanhu kuti ʋatende kunaiye unozoʋuya shure kwake, iye Jesu. Ʋakati ʋaɀinzwa iɀoɀo, ʋakabapatidzwa muzita raShe Jesu. Ɀino Pauro wakati aisa maʋoko ake pamsoro paʋo, Mŋeya Mutȿene akaʋuya pamsoro paʋo, ʋakataura nendimi, ʋakaprofita. Iʋaʋo ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge gumi naʋaʋiri. Ɀino wakapinda musinagoge, akataura asiŋgatyi mŋedzi mitatu, acitaurirana naʋo, aciʋagombedzera namashoko oʋushe bgaMŋari. Asi ʋamŋe ʋakati ʋaciwomesa mŋoyo, ʋasiŋgatereri, ʋaciɀidza Nzira iyo pamberi paʋazhinji, akabva kwaʋari, akatsaura ʋadzidzi, akataurirana naʋo zuʋa rimŋe nerimŋe mucikoro caTirano. Iɀoɀo ɀikaitwa makore maʋiri; nokuɗaro ʋose ʋakaŋga ʋagere paAsia ʋakanzwa shoko raShe, ʋaJuda naʋaGiriki. NaMŋari wakaita masimba anoshamisa namaʋoko aPauro, nokuɗaro miceka neŋguʋo, ɀaibva pamuʋiri wake, ɀaiiswa kuʋarwere, hosha dzikabva kwaʋari, nemŋeya yakaipa ikaɓuɗa. Ɀino ʋamŋe ʋaJuda, ʋaʋuki, ʋaipota‐pota, ʋakaidza kuɗana zita raShe Jesu pamsoro paʋaiʋa nemŋeya yakaipa, ʋaciti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro. Ʋaiʋa ʋanakomana ʋanomŋe ʋomumŋe muJuda, wainzi Skeva, muprista mukuru, ʋaiita iɀoɀo. Mŋeya wakaipa ukapindura, ukati kwaʋari: Jesu ndinomuziʋa, naPauro ndinomuziʋa, asi imi ndimi ʋananiko? Ipapo munhu waiʋa nomŋeya wakaipa akaʋamukira simba, akaʋakurira ʋose ʋari ʋaʋiri, akaʋakunda; nokuɗaro ʋakatiza mumba imomo, ʋasineŋguʋo, ʋakuʋadzwa. Iɀoɀo ɀikazikanwa naʋose, ʋaJuda naʋaGiriki, ʋakaŋga ʋagere Efeso ʋakatya ʋose, zita raShe Jesu rikakudzwa. Ɀino ʋazhinji ʋaʋakaŋga ʋatenda ʋakaʋuya, ʋakaɀireʋurura, nokurondedzera maɓasa aʋo. Naʋamŋe ʋazhinji ʋaiita ʋuŋaŋga, ʋakaʋuŋganidza buku dzaʋo, ʋakadzipisa pamberi paʋose; ʋakaʋereŋga muteŋgo wadzo, ʋakawana kuti waiʋa masirveri aneɀuru ɀinamakumi mashanu. Naiɀoɀo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda. Iɀoɀo ɀakati ɀapedziswa, Pauro akafuŋga mumŋoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedonia neAkaya, aciti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundoʋona Roma ʋo. Ɀino akatumira Makedonia ʋaʋiri ʋaʋaimushumira, ʋanaTimotio naErasto, iye amene akagara Asia ŋguʋa ɗuku. Ɀino neŋguʋa iyo ɓope guru rikaʋa’po pamsoro peNzira iyo. Nokuti mumŋe, wainzi Demetrio, mupfuri wesirveri, waiita ɀitembere ɀaDiana ɀesirveri, waifumisa ɀikuru mhizha dza’po. Akaʋaʋuŋganidza iʋo pamŋe cete naʋamŋe ʋaɓati ʋeɀakaɗaro, akati: Ʋarume, munoziʋa kuti neɓasa iri tinowana fuma yeɗu. Ɀino munoʋona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa ʋazhinji, pasati pari paEfeso ɓedzi, asi paneŋge paAsia yose, aciti, ɀakaitwa namaʋoko haʋazi ʋamŋari. Ɀino njodzi ndiyo kuti habguzi ʋumhizha bgeɗu ɓedzi bguŋgaɀidzwa, asi kuti tembere yamŋarikadzi mukuru Diana icashoʋorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paʋukuru bgake. Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru! Guta rikakaŋganiswa kwaɀo; ʋakamhanyira nomŋoyo mumŋe panɀimbo paitambga, ʋaɓata Gayo naAristarko, ʋarume ʋeMakedonia, ʋaiperekedza Pauro. Ɀino Pauro akaɗa kupinda kuʋanhu, ʋadzidzi ʋakasamutendera. Naʋamŋe ʋakuru ʋeAsia, ʋaiʋa shamŋari dzake, ʋakatuma shoko kwaari, ʋacikumbira ɀikuru kwaari kuti arege kupinda panɀimbo paitambga. Ɀino ʋamŋe ʋakaɗanidzira ɀimŋe, ʋamŋe ɀimŋe ɀe; nokuti ʋuŋgano yakaŋga yanyoŋganiswa, ʋazhinji ʋasiŋgaziʋi ɀaʋakaʋuŋganira. Ipapo ʋakaɓuɗisa Areksandro mukati maʋanhu ʋazhinji, ʋaJuda ʋacimusundira mberi; ɀino Areksandro akaninira noruʋoko, aciɗa kuɀiɗaʋirira pamberi paʋanhu. Ipapo ʋakati ʋaciʋona kuti iye muJuda, inzwi rimŋe rikamuka kunaʋose, ʋakaɗanidzira ŋguʋa dzineŋge mbiri, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru! Ɀino munyori weguta wakanyaradza ʋanhu, akati: Ʋarume ʋeEfeso, munhu ndoupiko usiŋgaziʋi, kuti guta raʋaEfeso ndiwo muceŋgeti wetembere yaDiana mukuru nowomufananidzo wakaɓuruka kuɗeŋga? Ɀaɀisiŋgagoni kurambga iɀoɀi, maifanira kunyarara musiŋgaiti cinhu nokusaraŋgarira kwaɀo. Nokuti maʋuya naʋarume aʋa, ʋasati ʋari mbava dzetembere kana ʋamhuri ʋamŋarikadzi weɗu. Ɀino kana Demetrio nedzimŋe mhizha naye ʋanemhoȿa nomunhu, misi yokutoŋga iri’po, naʋatoŋgi ʋari’po; ŋgaʋakwirirane haʋo. Asi kana mucitȿaka cimŋe cinhu pamsoro pedzimŋe mhoȿa, ɀiŋgatemŋa paʋuŋgano yakafanira. Nokuti njodzi ndiyo kuti tiŋgakwirirwa pamsoro peɓope ranhasi, ɀakusinemhoȿa; kana ciri cinhu ici hatiŋgagoni kupindura pamsoro pemhere‐mhere iyi. Wakati ataura iɀoɀo, akaendisa ʋuŋgano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)