Mabasa 17:16-34
Mabasa 17:16-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Pauro, achakavagarira paAteni, akanzwa shungu pamwoyo, achiona kuti guta rizere nezvifananidzo. Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasangana navo. Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikure navaSitoiki, vakaita nharo naye; vamwe vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo anoda kureveiko?” Vamwezve vakati, “Anenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.” Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati, “Ngatinzwewo kuti kudzidzisa uku kutsva, kunotaurwa newe, ndokweiko? Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?” (Zvino vaAteni vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwechete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.) Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati, “Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru. Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanawo aritari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai. Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutemberi dzakaitwa namaoko. Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose; akaita marudzi ose avanhu, achibva kunomumwechete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo; kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu. Nokuti maari tino upenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti, ‘Nokuti tiri rudzi rwakewo.’ “Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kuti uMwari hwakafanana nendarama, kana sirivha, kana ibwe, zvakavezwa noumhizha kana nokuchenjera kwomunhu. Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anorayira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.” Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.” Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo. Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi ainzi Dhamari, navamwe pamwechete navo.
Mabasa 17:16-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo. Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo. Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa. Ipapo vakamutora vakaenda naye kumusangano weAreopagasi, vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei? Uri kuunza pfungwa itsva kunzeve dzedu, uye tinoda kuziva kuti dzinorevei.” (VaAtene vose navatorwa vaigara ipapo vaipedza nguva yavo vasina chimwe chavanoita kunze kwokungotaura nokuteerera pfungwa itsva). Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru. Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaonawo aritari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai. “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko. Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu. Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara. Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu. ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’ “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu. Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.” Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.” Nokudaro, Pauro akabva paungano iyi. Varume vashoma vakava vateveri vaPauro uye vakatenda. Pakati pavo paiva naDhionisiasi, nhengo yeAreopagasi nomukadzi ainzi Dhamarisi, uye navamwewo.
Mabasa 17:16-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Pauro, achakavagarira paAteni, akanzwa shungu pamwoyo, achiona kuti guta rizere nezvifananidzo. Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasangana navo. Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikure navaSitoiki, vakaita nharo naye; vamwe vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo anoda kureveiko?” Vamwezve vakati, “Anenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.” Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati, “Ngatinzwewo kuti kudzidzisa uku kutsva, kunotaurwa newe, ndokweiko? Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?” (Zvino vaAteni vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwechete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.) Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati, “Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru. Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanawo aritari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai. Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutemberi dzakaitwa namaoko. Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose; akaita marudzi ose avanhu, achibva kunomumwechete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo; kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu. Nokuti maari tino upenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti, ‘Nokuti tiri rudzi rwakewo.’ “Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kuti uMwari hwakafanana nendarama, kana sirivha, kana ibwe, zvakavezwa noumhizha kana nokuchenjera kwomunhu. Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anorayira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.” Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.” Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo. Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi ainzi Dhamari, navamwe pamwechete navo.
Mabasa 17:16-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pauro paaivamirira kuAteni, akadzongodzwa mwoyo paakaona guta iroro rizere nezvifananidzo zvokunamata. Naizvozvo aikurukurirana musinagogu navaJudha navaitya Mwari. Mazuva ose, panzvimbo inoungana vanhu veguta iroro, aikurukura navainge vangouyawo ipapo. Vamwe vebato renyanzvi dzokufunga vechiEpikurieni nevechiSitoiki vakasangana naye. Vamwe vakati, “Ko iye mubvotomoki uyu arikuda kuti kudiiko?” Vamwewo vakati, “Anenge muparidzi wezvavamwari vasingaziikanwi,” nokuti aiparidza Jesu nokumuka muvakafa. Vakamutora vakaenda kuAriopagusi vachiti, “Tingade kuziva kuti chidzidziso chitsva ichi chaunopa ndechei? Nokuti tiri kukunzwa nenzeve dzedu uchitaura zvisina akambonzwa. Nezvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvozvi zvinorevei.” Vanhu vomuAtene vose nevechirudzi vaigaramo vaipedzera nguva yavo vachitaura nokunzwa zvinhu zvitsva. Nokudaro Pauro akamira pakati peAriopagusi akati, “Varume veAteni ndinoona kuti muzvinhu zvose muri vanamati nokuti zvandafamba neguta ndikaona zvinhu zvamunonamata ndawana imwe atari yakanyorwa kunzi, ‘KUNA MWARI ASINGAZIIKANWI.’ Chamuri kunamata musingazivi ichocho ndicho chandiri kukuparidzai chokuti, ‘Mwari iyeyo ndiye akasika nyika nezvose zvirimo. Ndiye Tenzi wedenga napasi. Haagari muTemberi dzakavakwa navanhu. Haashandirwi namaoko avanhu sokunge ane chimwe chaanoshaya nokuti ndiye anotopa vanhu vose upenyu nemweya wavanofema nawo nezvinhu zvose. Akaita marudzi ose avanhu kubva kumunhu mumwechete kuti vagare pasi pose. Akatema mwaka nemiganho nenyika dzavanogara, uye kuti vatsvage Mwari nechitarisiro chokuti vangangomutsvanzvadzira vagomuwana asi iye haasiri kure kwomumwe nomumwe wedu.’ “Chiripo ndechokuti, ‘Upenyu hwedu huri maari kuti tifambe ndiye uye kuti tivepo ndiye,’ sokutaura kwavanyori venyu venhetembo vachiti, ‘Zvechokwadi tiri vana vake.’ Zvatiri vana vake hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana ibwe zvinongova chifananidzo chakaitwa noumhizha kana zvinongofungwawo navanhu. Nguva dzokusaziva dziya, Mwari haana hanya nadzo. Asi iye zvino anoti munhu wose, kose kose zvako, anofanira kupinduka, pamusana pokuti akatema zuva raachatonga pasi pose noruenzaniso uye nokumunhu waakasarudza. Izvi zvakasimbisiswa kuna vanhu vose nokumumutswa kwaakaita kuvakafa.” Pavakanzwa nezvokumuka kwavafi, vamwe vakashora vamwewo vakati tichada kukunzwazve uchitaura nezvezvizvi. Zvadaro Pauro akabva mukati mavo. Asi vamwe varume vakabatana naye vakatenda. Mumwe wacho ndiDhionisiusi webato reAreopagusi nomumwe mudzimai ainzi Dhamari navamwe vavaiva navo.
Mabasa 17:16-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Pauro, acakaʋagarira paAtene, akanzwa shuŋgu pamŋoyo, aciʋona kuti guta rizere neɀifananidzo. Naiɀoɀo akataurirana musinagoge naʋaJuda, naʋainamata Mŋari, napaɗare zuʋa rimŋe nerimŋe, naʋaakasoŋgana naʋo. Ɀino ʋamŋe ʋakacenjera ʋaʋaEpikuro naʋaStoiko, ʋakaita nharo naye; ʋamŋe ʋakati: Ko uyu mutauri weɀisinamaturo unoɗa kureʋeiko? Ʋamŋe ɀe ʋakati: Uneŋge muparidzi waʋamŋari ʋasiŋgazikanwi; nokuti wakaʋaparidzira Jesu nokumuka kwaʋakafa. Ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuisa paAreopago, ʋakati: Ŋgatinzwe ʋo kuti kudzidzisa uku kutȿa, kunotaurwa newe, ndokweiko? Nokuti unoreʋa ɀimŋe ɀinoshamisa panzeʋe dzeɗu; naiɀoɀo tinoɗa kunzwa, kuti ɀinhu iɀi ndeɀeiko? (Ɀino ʋaAtene ʋose, naʋatorwa ʋaigara’po, ʋaiŋgofarira cinhu cimŋe cete, kutaura kana kunzwa cinhu citȿa.) Ɀino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: Imi ʋarume ʋeAtene, paɀinhu ɀose ndinoʋona kuti munonamata ɀikuru. Nokuti ndakati ndicipfuʋura, ndicicerekedza ɀamunonamata, ndakawana ʋo artari yakanyorwa: KUNAMŊARI USIŊGAZIKANWI. Ɀino camunonamata musiŋgaciziʋi, ndico candinokuparidzirai. Mŋari wakasika nyika neɀose ɀiri mairi, iye Tenzi weɗeŋga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namaʋoko. Haashumirwi namaʋoko aʋanhu, saaciŋge acishaiwa cinhu, ɀaari iye amene unopa ʋose ʋupenyu, nokufema, neɀose; wakaita marudzi ose aʋanhu, acibva kunomumŋe cete, kuti agare pose panyika; ambotara ŋguʋa dzaʋakatemerwa, nemiganhu yokugara kwaʋo; kuti ʋatȿake Mŋari, ɀimŋe ʋamutȿaŋgadzire, ʋamuwane, kunyaŋge asiri kure nomumŋe nomumŋe weɗu. Nokuti maari tinoʋupenyu, tinofamba, tiri’po; seɀaʋakareʋa ʋamŋe ʋanyori ʋenziyo ʋokwenyu, ʋaciti: Nokuti tiri rudzi rwake ʋo. Ɀatiri rudzi rwaMŋari, hatifaniri kuti ʋuMŋari bgakafanana nendarama, kana sirveri, kana ibge, ɀakaʋezwa noʋumhizha kana kucenjera kwomunhu. Naiɀoɀo Mŋari wakarega hake kuraŋgarira ŋguʋa dzokusaziʋa; asi ɀino unoraira ʋanhu ʋose kwose‐kwose kuti ʋatendeʋuke. Nokuti wakatara zuʋa, raacatoŋga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunaʋose, pakumumutsa kuʋakafa. Ɀino ʋakati ʋacinzwa ɀokumuka kwaʋakafa, ʋamŋe ʋakaseka, asi ʋamŋe ʋakati: Ticazokunzwa ɀe pamsoro paiɀoɀi. Naiɀoɀo Pauro akaɓuɗa pakati paʋo. Asi ʋamŋe ʋarume ʋakamunamatira, ʋakatenda; pakati paʋo kwaiʋa naDionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Damari, naʋamŋe pamŋe cete naʋo.
Mabasa 17:16-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)