Mabasa 17:15-20
Mabasa 17:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza. Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo. Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo. Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa. Ipapo vakamutora vakaenda naye kumusangano weAreopagasi, vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei? Uri kuunza pfungwa itsva kunzeve dzedu, uye tinoda kuziva kuti dzinorevei.”
Mabasa 17:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva. Zvino Pauro, achakavagarira paAteni, akanzwa shungu pamwoyo, achiona kuti guta rizere nezvifananidzo. Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasangana navo. Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikure navaSitoiki, vakaita nharo naye; vamwe vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo anoda kureveiko?” Vamwezve vakati, “Anenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.” Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati, “Ngatinzwewo kuti kudzidzisa uku kutsva, kunotaurwa newe, ndokweiko? Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?”
Mabasa 17:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda. Pauro paaivamirira kuAteni, akadzongodzwa mwoyo paakaona guta iroro rizere nezvifananidzo zvokunamata. Naizvozvo aikurukurirana musinagogu navaJudha navaitya Mwari. Mazuva ose, panzvimbo inoungana vanhu veguta iroro, aikurukura navainge vangouyawo ipapo. Vamwe vebato renyanzvi dzokufunga vechiEpikurieni nevechiSitoiki vakasangana naye. Vamwe vakati, “Ko iye mubvotomoki uyu arikuda kuti kudiiko?” Vamwewo vakati, “Anenge muparidzi wezvavamwari vasingaziikanwi,” nokuti aiparidza Jesu nokumuka muvakafa. Vakamutora vakaenda kuAriopagusi vachiti, “Tingade kuziva kuti chidzidziso chitsva ichi chaunopa ndechei? Nokuti tiri kukunzwa nenzeve dzedu uchitaura zvisina akambonzwa. Nezvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvozvi zvinorevei.”
Mabasa 17:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋo ʋakaperekedza Pauro, ʋakamuȿitsa Atene; ʋakati ʋarairwa kuʋudza Sirasi naTimotio, kuti ʋakurumidze kuʋuya kwaari, ʋakabva. Ɀino Pauro, acakaʋagarira paAtene, akanzwa shuŋgu pamŋoyo, aciʋona kuti guta rizere neɀifananidzo. Naiɀoɀo akataurirana musinagoge naʋaJuda, naʋainamata Mŋari, napaɗare zuʋa rimŋe nerimŋe, naʋaakasoŋgana naʋo. Ɀino ʋamŋe ʋakacenjera ʋaʋaEpikuro naʋaStoiko, ʋakaita nharo naye; ʋamŋe ʋakati: Ko uyu mutauri weɀisinamaturo unoɗa kureʋeiko? Ʋamŋe ɀe ʋakati: Uneŋge muparidzi waʋamŋari ʋasiŋgazikanwi; nokuti wakaʋaparidzira Jesu nokumuka kwaʋakafa. Ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuisa paAreopago, ʋakati: Ŋgatinzwe ʋo kuti kudzidzisa uku kutȿa, kunotaurwa newe, ndokweiko? Nokuti unoreʋa ɀimŋe ɀinoshamisa panzeʋe dzeɗu; naiɀoɀo tinoɗa kunzwa, kuti ɀinhu iɀi ndeɀeiko?
Mabasa 17:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)