Mabasa 17:10-15
Mabasa 17:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha. Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo. VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki. VaJudha vokuTesaronika vakati vanzwa kuti Pauro akanga achiparidza shoko raMwari paBheria, vakaendazve ikoko, vakakurudzira uye vakakuchidzira bope pakati pavanhu vazhinji. Ipapo hama dzakaendesa Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara paBheria. Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza.

Mabasa 17:10-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha. Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo. Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji. Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikawo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji. Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasarapo. Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.
Mabasa 17:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo vehama vakaendesa Pauro naSirasi nousiku kuBherea. Pavakasvikako vakaenda kuSinagogu yavaJudha. VaJudha voko vakanga vachinzwisisa kupinda vaya vokuTesaronika nokuti vakagamuchira shoko nomwoyo unoda kwazvo vachiongorora mazuva ose Magwaro Matsvene kuti zvinhu izvi ndizvo here. Vazhinji vavo vakatenda pamwechete navadzimai vechiGiriki vapamusoro vakawanda pamwechetewo navarume. VaJudha vokuTesaronika pavakanzwa kuti Shoko raMwari riri kuparidzwa kuBherea naPauro, vakaendawo ikoko kundomutsa manyongori nokunyandutsa vanhu. Pakarepo vehama vakabva vapinza Pauro munzira yokuenda kugungwa asi Sirasi naTimoti vakasarako. Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda.
Mabasa 17:10-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea ʋusiku. Iʋo ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakapinda musinagoge raʋaJuda. Aʋa ʋakaŋga ʋakanaka kukunda ʋeTesaronika, ʋakagamucira shoko nomŋoyo wose, ʋacinɀera Magwaro zuʋa rimŋe nerimŋe, kana ɀinhu iɀoɀo ɀiri iɀo. Naiɀoɀo ʋazhinji ʋaʋo ʋakatenda, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋaʋaGiriki, naʋarume ʋazhinji. Asi ʋaJuda ʋeTesaronika, ʋakati ʋacinzwa kuti shoko raMŋari roparidzwa naPauro paBerea, ʋakaȿika ʋo ipapo, ʋakamutsa nokupesanisa ʋazhinji. Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kuȿikira kuguŋgwa, asi Sirasi naTimotio ʋakasara’po. Ɀino aʋo ʋakaperekedza Pauro, ʋakamuȿitsa Atene; ʋakati ʋarairwa kuʋudza Sirasi naTimotio, kuti ʋakurumidze kuʋuya kwaari, ʋakabva.
Mabasa 17:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)