Mabasa 17:1-9
Mabasa 17:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha. Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, kwamaSabata matatu, achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.” Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa. Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji. Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kusagadzikana panyika yose vasvikawo kuno zvino, uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti pano mumwe mambo, anonzi Jesu.” Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana. Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza.
Mabasa 17:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vagura neAmifipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha. Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro maSabata matatu, achivazarurira nokuvazivisa, kuti, “Kristu aifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.” Vamwe vavo vakatendera, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji. Asi vaJudha vaiva negodo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu. Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo, Jasoni akavagamuchira; mumba make ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uripiko, anonzi Jesu.” Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo. Zvino, vakati vatora rubatso kuna Jasoni navamwe, vakavarega.
Mabasa 17:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakati vapfuura nomuAmupfiporisi nokuAporonia vakasvika kuTesaronika kwaiva neSinagogu yavaJudha. Pauro akapindamo, setsika yake, akaitirana nharo navo kwamasvondo matatu achishandisa Magwaro Matsvene achitsanangura nokuratidza kuti zvaifanirwa kuti Kristu atambudzike uye kuti amuke muvakafa uye achiti Jesu wandinoparidza kwamuri ndiye Mesia iyeyu. Vamwe vavo vakazvibvuma vakabatana naPauro naSirasi sezvakangoitawo vazhinji vechiGiriki vaitya Mwari navadzimai vapamusoro vakawanda. Asi vaJudha vakaita shanje. Vakatora vanhu vakaipa mukati memaswerokuenda avanhu. Vakakokorodza mhomho vakanyandutsa guta iroro. Vakandorwisa mhuri yokwaJasoni vachida kuburitsa Pauro naSirasi kuvanhu. Pavakavashaya vakakwekweredza Jasoni navamwe vehama kuvakuru vakuru veguta vachidaidzira vachiti, “Varume ava vapidigura pasi pose, vauya kunowo. Jasoni avagamuchira uye vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaSiza vachiti kuno mumwe mambo anonzi Jesu.” Vanhu navakuruvakuru veguta zvakavatambudza. Pavakanga vatora mari yorubatso kubva kuna Jasoni nokuna vamwe, vakavaregera kuti vaende zvavo.
Mabasa 17:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋagura neAmfipori neAporonia, ʋakaȿika paTesaronika paiʋa nesinagoge raʋaJuda. Ɀino Pauro, seɀaaisiita, akapinda kwaʋari; akataurirana naʋo ɀapaMagwaro masaɓata matatu, aciʋazarurira nokuʋaziʋisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuʋakafa, ʋuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu. Ʋamŋe ʋaʋo ʋakatendiswa, ʋakateʋera Pauro naSirasi, naʋazhinji ʋaʋaGiriki, ʋainamata Mŋari, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋazhinji. Asi ʋaJuda ʋaiʋa negoɗo, ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋakaipa, dzaiʋa simbe, ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakakaŋganisa guta; ʋakawira imba yaJasoni, ʋaciɗa kuʋaɓuɗisira kuʋanhu. Ʋakati ʋaciʋashaiwa, ʋakakakatira Jasoni nedzimŋe hama pamberi paʋaɓati ʋeguta, ʋakaɗana, ʋaciti: Aʋa ʋakakaŋganisa nyika yose, ʋakaȿika napano ʋo, Jasoni akaʋagamucira; aʋa ʋose ʋanoita ɀinopesana neɀireʋo ɀaKesari, ʋaciti, mumŋe mambo uri’ko, unonzi Jesu. Ʋakapesanisa ʋanhu naʋaɓati ʋeguta, ʋacinzwa iɀoɀo. Ɀino, ʋakati ʋatora ruɓatso kunaJasoni naʋamŋe, ʋakaʋarega.
Mabasa 17:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)