Mabasa 16:16-24
Mabasa 16:16-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake. Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.” Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari. Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo. Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.” Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe. Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.
Mabasa 16:16-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasangana nomumwe musikana aiva nomweya wokuuka, aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuuka kwake. Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira, achiti, “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.” Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendeuka, akati kumweya, “Ndinokurayira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari.” Ukabuda nenguva iyeyo. Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pavabati, vakaenda navo kuvatongi, vakati, “Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu, vachiparidza tsika dzatisina kutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.” Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu. Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakarayira murindi wetorongo kuti avachengete kwazvo. Iye akati arayirwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
Mabasa 16:16-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Patakanga tichienda kunzvimbo yokunamatira takasangana nomumwe musikana muranda aiva nemweya wokuuka. Aipfumisa varidzi vake zvikuru nokuuka ikoko. Musikana uyu aitevera Pauro nesu achidaidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro vari kukuparidzai nzira yoruponeso.” Akaita izvi kwamazuva mazhinji. Pauro akashatirwa nazvo akatendeuka akati kumweya uya, “Ndinokuudza muzita raJesu Kristu kuti ubude maari.” Mweya uya wakabva wabuda pakarepo. Zvino varidzi vake pavakaona kuti chavaivimba nacho kuwana upfumi pakanga pasisina, vakabata Pauro naSirasi vakavakwekweredzera kuvatongi, kunzvimbo yaiungana vanhu veguta iroro. Pavakavaunza kuvatongi vakati: “Varume ava vaJudha uye vari kunyonganisa guta redu. Vari kukurudzira tsika dzisingagamuchiriki kana kuteverwa nesu vechiRoma.” Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu. Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo. Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda.
Mabasa 16:16-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino takati ticipinda panɀimbo yokunyeŋgetera, tikasoŋgana nomumŋe musikana waiʋa nomŋeya wokuʋuka, waiwanira ʋatenzi ʋake mari zhinji nokuʋuka kwake. Iye akateʋera Pauro nesu, akaɗanidzira, aciti: Ʋanhu aʋa ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ʋanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo. Akaita iɀoɀo mazuʋa mazhinji. Ɀino Pauro akafa neshuŋgu, akatendeʋuka, akati kumŋeya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti uɓuɗe kwaari. Ukaɓuɗa neŋguʋa iyeyo. Ɀino ʋatenzi ʋake ʋakati ʋaciʋona kuti tariro yokufumiswa kwaʋo yaenda, ʋakaɓata Pauro naSirasi, ʋakaʋakakatira kuɗare pamberi paʋaɓati, ʋakaenda naʋo kuʋatoŋgi, ʋakati: Ʋanhu aʋa ʋaJuda, ʋanopesanisa guta reɗu, ʋaciparidza tsika. dzatisinakutenderwa kugamucira, kana kuita, isu ʋaRoma. Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋamukira ʋose, ʋatoŋgi ʋakaʋabvarurira ŋguʋo dzaʋo, ʋakaraira kuti ʋarobge neshamhu. Ɀino ʋakati ʋaʋaroʋa ɀikuru, ʋakaʋaisa mutoroŋgo, ʋakaraira murindi wetoroŋgo kuti aʋaceŋgete kwaɀo. Iye akati arairwa kuɗaro, akaʋaisa mutoroŋgo yomukati, akasuŋga makumbo aʋo mumatanda.
Mabasa 16:16-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)