Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16:1-40

Mabasa 16:1-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki. Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka. Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere. Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu. Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira. Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi. Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.” Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri. Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi. Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo. Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo. Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro. Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda. Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake. Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.” Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari. Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo. Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.” Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe. Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda. Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!” Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?” Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake. Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.” Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.” Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.” Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo. Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta. Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:1-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akasvikawo paDhebhe neRisitira. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, ainzi Timoti, mwanakomana womukadzi mutendi, aiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki. Iye aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRisitira neIkonio. Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki. Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapostori navakuru vapaJerusaremu, kuti vazvichengete. Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe. Vakagura nenyika yeFirigiya neyeGaratiya, vambodziviswa naMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia. Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisiya, vakaedza kuenda Bhitiniya, asi Mweya waJesu haana kuvatendera. Vakati vapfuura Misiya, vakaburukira Turoasi. Chiratidzo chikaonekwa naPauro usiku; murume weMakedhonia akanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Yambukirai Makedhonia, utibatsire.” Zvino akati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari atidana kuti tindovaparidzira Vhangeri. Naizvozvo takabva Turoasi nechikepe, tikaruramira Samotirake; fume mangwana tikasvika Neapori; tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro. Nezuva reSabata tikabuda kunze kwesuo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vaunganapo. Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro. Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa. Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasangana nomumwe musikana aiva nomweya wokuuka, aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuuka kwake. Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira, achiti, “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.” Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendeuka, akati kumweya, “Ndinokurayira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari.” Ukabuda nenguva iyeyo. Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pavabati, vakaenda navo kuvatongi, vakati, “Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu, vachiparidza tsika dzatisina kutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.” Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu. Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakarayira murindi wetorongo kuti avachengete kwazvo. Iye akati arayirwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda. Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka. Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.” Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda; akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?” Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make. Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake. Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari. Zvino kwakati kwaedza vatongi vakatuma mapurisa, vachiti, “Sunungurai vanhu vaya.” Murindi wetorongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti, “Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.” Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.” Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma; vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, mutorongo ndokuvakumbira kuti vabve muguta ravo. Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidhia; vakaona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake. Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze. Naizvozvo masangano akasimbiswa muchitendero uye vatendi vaiwanda zuva nezuva. Vakaenda nokunyika yeFirigia neGaratia pavakanga varambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko kuAsia. Pavakasvika pakatarisana neMisia, vakaedza kupinda muBhitinia asi Mweya waJesu haana kuvabvumira. Nezvo vakapfuura nepedyo peMisia vakadzika kuTiroasi. Usiku, Pauro akaona chiratidzo chomunhu wokuMasedhonia akamira achimuteterera achiti, “Uyai kuMasedhonia muzotibatsira.” Paakaona chiratidzo ichocho, takabva tarongedzera kuenda kuMasedhonia. Takanga taziva kuti Mwari akanga atidaidza kundoparidza Shoko Rakanaka kwavari. Takatangisa rwendo rwedu nechikepe kubva kuTiroasi tikananga kuSamotirasi chaiko. Ramangwana acho takaenda kuNeaporisi. Takabva ikoko tikaenda kuFiripi guta guru renyika yeMasedhonia, nyika yaiva pasi penyika yeRoma. Takagara muguta iroro kwamazuva. Pazuva reSabata, takaenda kunze kwesuo guru kumahombekombe erwizi kwataifunga kuti kunzvimbo yokunamatira. Takagara pasi tikataura namadzimai akanga aungana. Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro. Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma. Patakanga tichienda kunzvimbo yokunamatira takasangana nomumwe musikana muranda aiva nemweya wokuuka. Aipfumisa varidzi vake zvikuru nokuuka ikoko. Musikana uyu aitevera Pauro nesu achidaidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro vari kukuparidzai nzira yoruponeso.” Akaita izvi kwamazuva mazhinji. Pauro akashatirwa nazvo akatendeuka akati kumweya uya, “Ndinokuudza muzita raJesu Kristu kuti ubude maari.” Mweya uya wakabva wabuda pakarepo. Zvino varidzi vake pavakaona kuti chavaivimba nacho kuwana upfumi pakanga pasisina, vakabata Pauro naSirasi vakavakwekweredzera kuvatongi, kunzvimbo yaiungana vanhu veguta iroro. Pavakavaunza kuvatongi vakati: “Varume ava vaJudha uye vari kunyonganisa guta redu. Vari kukurudzira tsika dzisingagamuchiriki kana kuteverwa nesu vechiRoma.” Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu. Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo. Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda. Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera. Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka. Muchengeti wejeri paakamuka akaona kuti makonhi ejeri akanga akazaruka akazvomora bakatwa rake avakuda kuzviuraya achifunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadaidzira nezwi guru achiti, “Usazvikuvadze zvako nokuti isu tose tiri muno.” Akadaidzira kuti kuuiwe nemwenje, ndokumhanyira mukati. Akandowira pamberi paPauro naSirasi achidedera nokutya. Akavabudisa akati, “Varume chii chandingaite kuti ndiponeswe?” Ivo vakati, “Tenda muna Tenzi Jesu uchaponeswa iwe nemhuri yako.” Vakataura kwaari Shoko raTenzi nokune vose vaiva mumba make. Akavatora panguva iyoyo yousiku akavashambidza maronda avo. Iye akabva aombekwa pakarepo pamwechete nemhuri yake yose. Akakwira navo kumba kwake akavapa chokudya akafara kwazvo nemba yake yose kuti akanga atenda kuna Mwari. Pakwakanga kwaedza vatongi vakatuma mapurisa vachiti, “Regai vanhu vaya vaende zvavo.” Muchengeti wapajeri akasvitsa shoko kuna Pauro achiti, “Vatongi vatuma shoko rokuti muende zvenyu.” Saizvozvo chibudai muende zvenyu norugare. Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa. Mapurisa akasvitsa shoko iri kuna vatongi. Vakatya pavakanzwa kuti, pamutemo vanhu ava vaiva vaRoma. Vakauya vakakumbira ruregerero. Vakavaburitsa vakavakumbira kuti vabve muguta iroro. Nokudaro vakabuda mujeri vakashanyira Ridhia. Pavakanga vaona vehama vakavakurudzira vakabva vaenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:1-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Akaȿika ʋo paDerbe neRistra. Ɀino ipapo paiʋa nomumŋe mudzidzi, wainzi Timotio, mŋanakomana womukadzi mutendi, waiʋa muJuda; asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa muGiriki. Iye waipupurirwa ɀakanaka nehama dzapaRistra neIkonio. Pauro akaɗa kuti aende naye, akamutora, akamudziŋgisa nokuɗa kwaʋaJuda ʋaiʋa kunɀimbo idzo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti ɓaɓa ʋake muGiriki. Ʋakafamba namaguta, ʋakaʋapa ɀireʋo ɀakatemŋa naʋaapostora naʋakuru ʋapaJerusarema, kuti ʋaɀiceŋgete. Naiɀoɀo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuʋereŋgwa kwadzo zuʋa rimŋe nerimŋe. Ʋakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, ʋambodziʋiswa noMŋeya Mutȿene kuparidza shoko paAsia. Ɀino ʋakati ʋaȿika pakatarisana neMisia, ʋakaidza kuenda Bitinia, asi Mŋeya waJesu haana‐kuʋatendera. Ʋakati ʋapfuʋura Misia, ʋakaɓurukira Troa. Ciratidzo cikaʋonekwa naPauro ʋusiku; murume weMakedonia wakaŋga amire, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Yambukira Makedonia, utiɓatsire. Ɀino wakati aʋona ciratidzo, pakarepo tikatȿaka kuenda Makedonia, ticiti, Mŋari watiɗana kuti tindoʋaparidzira Evaŋgeri. Naiɀoɀo takabva Troa necikepe, tikaruramira Samotrake; fume maŋgwana tikaȿika Neapori; tikabva’po, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedonia, raiʋa koroni yeRoma; tikagara mamŋe mazuʋa muguta iro. Nezuʋa resaɓata tikaɓuɗa kunze kwesuʋo kurwizi, pataiti ʋaneŋge ʋanonyeŋgetera’po; tikagara pasi, tikaparidzira ʋakadzi ʋakaŋga ʋaʋuŋgana’po. Ɀino mumŋe mukadzi, wainzi Ridia, muteŋgesi weŋguʋo tȿuku, womusha weTiatira, wainamata Mŋari, akatinzwa; Ishe akazarura mŋoyo wake, kuti aterere ɀaitaurwa naPauro. Wakati abapatidzwa, iye naʋeimba yake, akakumbira ɀikuru, aciti: Kana muciti ndakatenda kunaShe, pindai mumba maŋgu mugare. Akatitendisa. Ɀino takati ticipinda panɀimbo yokunyeŋgetera, tikasoŋgana nomumŋe musikana waiʋa nomŋeya wokuʋuka, waiwanira ʋatenzi ʋake mari zhinji nokuʋuka kwake. Iye akateʋera Pauro nesu, akaɗanidzira, aciti: Ʋanhu aʋa ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ʋanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo. Akaita iɀoɀo mazuʋa mazhinji. Ɀino Pauro akafa neshuŋgu, akatendeʋuka, akati kumŋeya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti uɓuɗe kwaari. Ukaɓuɗa neŋguʋa iyeyo. Ɀino ʋatenzi ʋake ʋakati ʋaciʋona kuti tariro yokufumiswa kwaʋo yaenda, ʋakaɓata Pauro naSirasi, ʋakaʋakakatira kuɗare pamberi paʋaɓati, ʋakaenda naʋo kuʋatoŋgi, ʋakati: Ʋanhu aʋa ʋaJuda, ʋanopesanisa guta reɗu, ʋaciparidza tsika. dzatisinakutenderwa kugamucira, kana kuita, isu ʋaRoma. Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋamukira ʋose, ʋatoŋgi ʋakaʋabvarurira ŋguʋo dzaʋo, ʋakaraira kuti ʋarobge neshamhu. Ɀino ʋakati ʋaʋaroʋa ɀikuru, ʋakaʋaisa mutoroŋgo, ʋakaraira murindi wetoroŋgo kuti aʋaceŋgete kwaɀo. Iye akati arairwa kuɗaro, akaʋaisa mutoroŋgo yomukati, akasuŋga makumbo aʋo mumatanda. Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera. Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka. Ipapo murindi wetoroŋgo akapepuka, ndokuʋona mikoʋa yetoroŋgo yakazaruka, akavomora munondo wake, akaɗa kuɀiʋuraya, aciti ʋasuŋgwa ʋatiza. Ipapo Pauro akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Usaɀikuʋadza, nokuti tiri muno tose. Ɀino wakati akumbira mŋenje, akamhanyira’mo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, acibvunda; akaʋaɓuɗisira kunze, akati: Ʋatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? Ʋakati: Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako. Ʋakaparidza shoko raMŋari kwaari naʋose ʋaiʋa mumba make. Akaʋatora neŋguʋa iyeyo yoʋusiku, akakupa maʋaŋga aʋo, ndokubapatidzwa pakarepo, iye naʋose ʋake. Akaenda naʋo mumba make, ndokuisa ɀokudya pamberi paʋo, akafara ɀikuru, iye nemhuri yake yose, acitenda kunaMŋari. Ɀino kwakati kwaedza, ʋatoŋgi ʋakatuma mapurisa, ʋaciti: Sunuŋgurai ʋanhu ʋaya. Murindi wetoroŋgo akaʋudza Pauro mashoko iwayo, aciti: Ʋatoŋgi ʋatuma shoko kuti musunuŋgurwe; naiɀoɀo ɓuɗai henyu ɀino, muende norugare. Asi Pauro wakati kwaʋari: Ʋakatiroʋa pacena, isu ʋanhu ʋaRoma tisina‐kutoŋgwa, ʋakatiisa mutoroŋgo; ɀino ʋoɗokutiɓuɗisa cinyararire here? Haiwa, kwete! Ŋgaʋaʋuye ʋamene ʋatiɓuɗise. Mapurisa akaʋudza ʋatoŋgi mashoko iwayo; ʋakatya ʋacinzwa kuti ʋaRoma; ʋakaȿika, ʋakakumbira ɀikuru kwaʋari; ʋakaʋaɓuɗisa, ndokukumbira kuti ʋabve muguta raʋo. Ipapo ʋakaɓuɗa mutoroŋgo, ʋakapinda mumba maRidia; ʋakaʋona hama, ʋakaʋanyaradza, ndokuenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)