Mabasa 16:1-4
Mabasa 16:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akasvikawo paDhebhe neRisitira. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, ainzi Timoti, mwanakomana womukadzi mutendi, aiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki. Iye aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRisitira neIkonio. Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki. Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapostori navakuru vapaJerusaremu, kuti vazvichengete.
Mabasa 16:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki. Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka. Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.
Mabasa 16:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake. Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze.
Mabasa 16:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaȿika ʋo paDerbe neRistra. Ɀino ipapo paiʋa nomumŋe mudzidzi, wainzi Timotio, mŋanakomana womukadzi mutendi, waiʋa muJuda; asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa muGiriki. Iye waipupurirwa ɀakanaka nehama dzapaRistra neIkonio. Pauro akaɗa kuti aende naye, akamutora, akamudziŋgisa nokuɗa kwaʋaJuda ʋaiʋa kunɀimbo idzo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti ɓaɓa ʋake muGiriki. Ʋakafamba namaguta, ʋakaʋapa ɀireʋo ɀakatemŋa naʋaapostora naʋakuru ʋapaJerusarema, kuti ʋaɀiceŋgete.
Mabasa 16:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)