Mabasa 16:1-10
Mabasa 16:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki. Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka. Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere. Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu. Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira. Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi. Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.” Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.
Mabasa 16:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akasvikawo paDhebhe neRisitira. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, ainzi Timoti, mwanakomana womukadzi mutendi, aiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki. Iye aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRisitira neIkonio. Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki. Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapostori navakuru vapaJerusaremu, kuti vazvichengete. Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe. Vakagura nenyika yeFirigiya neyeGaratiya, vambodziviswa naMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia. Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisiya, vakaedza kuenda Bhitiniya, asi Mweya waJesu haana kuvatendera. Vakati vapfuura Misiya, vakaburukira Turoasi. Chiratidzo chikaonekwa naPauro usiku; murume weMakedhonia akanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Yambukirai Makedhonia, utibatsire.” Zvino akati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari atidana kuti tindovaparidzira Vhangeri.
Mabasa 16:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake. Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze. Naizvozvo masangano akasimbiswa muchitendero uye vatendi vaiwanda zuva nezuva. Vakaenda nokunyika yeFirigia neGaratia pavakanga varambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko kuAsia. Pavakasvika pakatarisana neMisia, vakaedza kupinda muBhitinia asi Mweya waJesu haana kuvabvumira. Nezvo vakapfuura nepedyo peMisia vakadzika kuTiroasi. Usiku, Pauro akaona chiratidzo chomunhu wokuMasedhonia akamira achimuteterera achiti, “Uyai kuMasedhonia muzotibatsira.” Paakaona chiratidzo ichocho, takabva tarongedzera kuenda kuMasedhonia. Takanga taziva kuti Mwari akanga atidaidza kundoparidza Shoko Rakanaka kwavari.
Mabasa 16:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaȿika ʋo paDerbe neRistra. Ɀino ipapo paiʋa nomumŋe mudzidzi, wainzi Timotio, mŋanakomana womukadzi mutendi, waiʋa muJuda; asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa muGiriki. Iye waipupurirwa ɀakanaka nehama dzapaRistra neIkonio. Pauro akaɗa kuti aende naye, akamutora, akamudziŋgisa nokuɗa kwaʋaJuda ʋaiʋa kunɀimbo idzo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti ɓaɓa ʋake muGiriki. Ʋakafamba namaguta, ʋakaʋapa ɀireʋo ɀakatemŋa naʋaapostora naʋakuru ʋapaJerusarema, kuti ʋaɀiceŋgete. Naiɀoɀo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuʋereŋgwa kwadzo zuʋa rimŋe nerimŋe. Ʋakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, ʋambodziʋiswa noMŋeya Mutȿene kuparidza shoko paAsia. Ɀino ʋakati ʋaȿika pakatarisana neMisia, ʋakaidza kuenda Bitinia, asi Mŋeya waJesu haana‐kuʋatendera. Ʋakati ʋapfuʋura Misia, ʋakaɓurukira Troa. Ciratidzo cikaʋonekwa naPauro ʋusiku; murume weMakedonia wakaŋga amire, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Yambukira Makedonia, utiɓatsire. Ɀino wakati aʋona ciratidzo, pakarepo tikatȿaka kuenda Makedonia, ticiti, Mŋari watiɗana kuti tindoʋaparidzira Evaŋgeri.
Mabasa 16:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)