Mabasa 15:36-40
Mabasa 15:36-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.” Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye, asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa. Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi, asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.
Mabasa 15:36-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.” Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako. Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro. Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi. Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi.
Mabasa 15:36-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatidzokezve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.” Zvino Bhanabhasi akanga achida kutora Johaniwo, ainzi Mako; asi Pauro akati hazvina kunaka kumutora iye, akambovasiya Pamufiria, akasaenda navo kubasa. Ipapo kutsamwirana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipurasi nechikepe; asi Pauro wakatsanangura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaIshe
Mabasa 15:36-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.” Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako. Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro. Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi. Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi.
Mabasa 15:36-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, Pauro akati kunaBarnabasi: Ŋgatidzoke ɀe tindoshanyira hama muguta rimŋe nerimŋe matakaparidza shoko raShe, tiʋone kuti ʋakaɗini. Ɀino Barnabasi wakaŋga aciɗa kutora Johane ʋo, wainzi Marko; asi Pauro wakati haɀina‐kunaka kumutora iye, wakamboʋasiya paPamfiria, akasaenda naʋo kuɓasa. Ipapo kutsamŋirana kukaʋa’po, nokuɗaro ʋakaparadzana, Barnabasi akatora Marko, akaenda Kupro necikepe; asi Pauro wakasanaŋgura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe