Mabasa 14:8-15
Mabasa 14:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba. Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!” Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari. Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.
Mabasa 14:8-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. Iye akanzwa Pauro achitaura; zvino iye akati achimutarisisa, akaona kuti anokutenda kuti angaporeswa, akati nezwi guru, “Mira kwazvo netsoka dzako.” Iye akavazuka, akafamba. Vanhu vazhinji vakati vaona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikonia, vachiti, “Vamwari vaburukira kwatiri, vaita savanhu.” Bhanabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merikuro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Ipapo mupristi waJupiteri aiva netemberi yake pamberi peguta, akauya pamusuo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye. Zvino vapostori, Bhanabhasi naPauro, vakati vachinzwa izvozvo, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira, vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.
Mabasa 14:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu. Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, “Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo.
Mabasa 14:8-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino paRistra paigara mumŋe murume wakaŋga asinesimba patsoka dzake, cirema kubva paɗumbu ramai ʋake, asina‐kutoŋgofamba. Iye wakanzwa Pauro acitaura; ɀino iye wakati acimutarisisa, akaʋona kuti unokutenda kuti uŋgaporeswa, akati nenzwi guru: Mira kwaɀo netsoka dzako. Iye akavazuka, akafamba. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona ɀaitwa naPauro, ʋakaɗanidzira norurimi rwaʋaRikaonia, ʋaciti: Ʋamŋari ʋaɓurukira kwatiri, ʋaita saʋanhu. Barnabasi ʋakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiʋa mutauri mukuru. Ipapo muprista waJupiteri waiʋa netembere yake pamberi peguta, akaʋuya pamasuʋo nenzombe namaruʋa okushoŋga, aciɗa kuʋaɓayira, anaʋanhu ʋazhinji naye. Ɀino ʋaapostora, Barnabasi naPauro, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamhanyira pakati paʋanhu ʋazhinji, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume, munoitireiko iɀoɀi? Nesu tiri ʋanhu semi ʋo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaiɀoɀo ɀisinamaturo, mutendeʋukire kunaMŋari mupenyu wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo.
Mabasa 14:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)