Mabasa 12:20-25
Mabasa 12:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akanga atsamwirana navanhu veTire neSidhoni, ndokubva vabatana pamwe chete vakauya kwaari kuti vataure naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira runyararo, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndiko kwavaiwana zvokudya. Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu. Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.” Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, akadyiwa nehonye uye akafa. Uye shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira. Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako.
Mabasa 12:20-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuuya kwaari vose pamwechete, vakaita ushamwari naBhurasito, mutariri weimba yamambo, vakakaumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo. Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhi akafuka nguo dzoumambo, akagara pachigaro chake choushe, akataura kwavari. Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Izwi raMwari, harizi romunhu.” Pakarepo mutumwa waIshe akamurova, nokuti akanga asina kukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa. Asi shoko raMwari rakakura, rikawanda. Zvino Bhanabhasi naSauro, vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusaremu, vakaenda naJohani, ainzi Mako.
Mabasa 12:20-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Herodhi akashatirirwa vanhu veTire neSidhoni zvikuru. Nezvo vakaenda kwaari vari chikwata. Ipapo vakanga vashamwaridzana naBhurasitosi mukuru mukuru wapamba pamambo. Saizvozvo vakakumbira kuti pave norugare nokuti nyika yavo yaitoraramiswa nezvokudya chinobva kunyika yamambo. Pazuva rakanga rasarudzwa, Herodhi akapfeka hanzu dzake dzoumambo ndokugara pachigaro chake choumambo akataura kwavari zvinoyevedza, vanhu vakadaidzira vachiti, “Inga izwi romumwe mwari chaiye kwete romunhu.” Pakarepo mutumwa waTenzi akamurova nokuti haana kupa mbiri yacho kuna Mwari. Akadyiwa nehonye akafa. Asi Shoko raMwari rakaramba richikura richiwanda. Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusaremu pavakapedza zvavakanga vafambira vakauya naJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako.
Mabasa 12:20-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akatsamŋira ɀikuru ʋanhu ʋeTire neSidoni; iʋo ndokuʋuya kwaari ʋose pamŋe cete, ʋakaita ʋushamŋari naBrasto, mutariri weimba yamambo, ʋakakumbira rugare, nokuti nyika yaʋo yaipiwa ɀokudya nenyika yamambo. Ipapo nezuʋa rakaŋga ratarwa, Herode akafuka ŋguʋo dzoʋumambo, akagara pacigaro cake coʋushe, akataura kwaʋari. Ipapo ʋanhu ʋakaɗanidzira ʋaciti: Inzwi raMŋari, harizi romunhu. Pakarepo mutumŋa waShe ukamuroʋa, nokuti wakaŋga asinakukudza Mŋari; akadyiwa nehonye, akafa. Asi shoko raMŋari rakakura, rikawanda. Ɀino Barnabasi naSauro, ʋakati ʋapedzisa ɓasa raʋo, ʋakadzokera Jerusarema, ʋakaenda naJohane, wainzi Marko.
Mabasa 12:20-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)