Mabasa 12:12-17
Mabasa 12:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, ainziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera. Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku. Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!” Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.” Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa. Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.
Mabasa 12:12-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohani, ainzi Mako; vazhinji vakanga vakaunganapo, vachinyengetera. Zvino akati agogodza pagonhi resuo, musikana ainzi Rhoda akauya kuzoteerera. Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suo nomufaro, asi akamhanhyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuo. Ivo vakati kwaari, “Unopenga.” Asi iye akasimbisa achiti, “Ndizvozvo.” Ivo vakati, “Mutumwa wake.” Asi Petirosi akaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuona, vakashamiswa. Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”
Mabasa 12:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata. Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani. Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.” Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake. Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo. Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.
Mabasa 12:12-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati araŋgarira iɀoɀo, akaenda kumba kwaMaria, mai ʋaJohane, wainzi Marko; ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana’po, ʋacinyeŋgetera. Ɀino wakati agogodza pagonhi resuʋo, musikana wainzi Rode akaʋuya kuzoterera. Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo. Iʋo ʋakati kwaari: Unopeŋga. Asi iye wakasimbisa aciti ndiɀoɀo. Iʋo ʋakati: Mutumŋa wake. Asi Petro wakaramba acigogodza; ʋakazozarura, ʋakamuʋona, ʋakashamiswa. Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe.
Mabasa 12:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)