Mabasa 11:9-30
Mabasa 11:9-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’ Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga. “Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara. Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya. Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’ “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga. Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’ Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?” Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.” Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi. Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe. Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She. Mukurumbira wazvo wakasvika munzeve dzekereke yapaJerusarema, ndokubva vatuma Bhanabhasi kuAndioki. Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara, akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka kuna She nemwoyo yavo yose. Iye akanga ari munhu akanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda, uye vanhu vazhinji vakauya kuna She. Ipapo Bhanabhasi akaenda kuTasasi kundotsvaka Sauro, uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki. Panguva iyoyo vamwe vaprofita vakaburuka vachibva kuJerusarema vachienda kuAndioki. Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio). Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea. Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
Mabasa 11:9-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi izwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti, ‘Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachina kunaka.’ “Izvozvo zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwazve kudenga. Ipapo, tarira, pakarepo varume vatatu vamira pamberi peimba, matakanga tiri, vakanga vatumirwa kwandiri, vachibva Kesaria. “Ipapo Mweya akandiudza, kuti ndiende navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuwo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. Iye akatiudzawo kuti akaona mutumwa amire mumba make, achiti, ‘Tumira Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; iye achakuudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.’ Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduwo pakutanga. Ini ndikarangarira shoko raIshe, rokuti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene.’ “Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, aigona kudzivisa Mwari?” Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.” Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paSitefano, vakaenda kusvikira paFonikia, neSaipurasi, neAndioki, vasingatauri shoko kumunhu, asi kuna vaJudha bedzi. Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veSaipurasi neKurene; ivo vakati vasvika Andioki, vakataura kuvaGirikiwo, vachiparidza Ishe Jesu. Ruoko rwaIshe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendeukira kuna Ishe. Mashoko avo akanzwika nekereke muJerusaremu, vakatuma Bhanabhasi kuti aende Andioki. Iye akati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba; nokuti waiva murume akanaka, azere naMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kuna Ishe. Iye akaenda Taso achindotsvaka Sauro. Zvino akati amuwana, akauya naye Andioki. Ipapo vakaungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; pa Andioki vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu. Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusaremu, vakaenda Andioki. Mumwe wavo ainzi Agabho, akasimuka, ndokuvazivisa naMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKiraudhiyo. Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea. Vakaita kudaro, vakazvitumira naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
Mabasa 11:9-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi izwi rakapindura kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.’ Izvi zvakaitika katatu. Zvose zvikabva zvasimudzwa zvichiendeswa kudenga. Panguva yakareyo varume vatatu vakasvika pamba pataigara vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuSezaria. Mweya akandiudza kuti ndiende navo pasina zvorusaruro. Vehama vatanhatu ava vakaendawo neni. Takapinda mumba momurume iyeyo. Akatirondedzera kuona kwaakaita mutumwa amire mumba make achiti, ‘Tuma vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. Iye achakutaurira shoko richakuponesa iwe nemhuri yako yose.’ Pandakatangisa kutaura Mweya Mutsvene akaburukira pavari sezvakangoitikawo patiri pakutanga paya. Ndakayeuka shoko raTenzi paakati, ‘Johani aiombeka nemvura asi imi muchaombekwa naMweya Mutsvene.’ Zvino kana Mwari akapa chipo chimwechetecho chaakapa kwatiri patakatenda muzita raTenzi Jesu Kristu. Ko ndiri aniwo zvangu ndaigona kumirisana naMwari.” Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.” Zvino vaya vakapararira pamusana pokutambudzwa kwakamuka nokuda kwaSitefani, vakaenda zvokutonosvika kuFonikia neSaipurasi nokuAndiyoku vasingaparidzi shoko kuna ani zvake kusiya kuvaJudha. Asi pane vamwe vavo, varume vokuSaipurasi nokuSairini pavakaenda kuAndiyoku vakataurawo kuvaGiriki vachivaparidza Tenzi Jesu. Ruoko rune simba rwaTenzi rwakanga rwuinavo uye vanhu vazhinji vakadavira vakatendeukira kuna Tenzi. Zvinhu izvi zvakasvika munzeve dzesangano raiva muJerusaremu vakatumira Bhanabhasi kuAndiyoku. Paakasvika akaona nyasha dzaMwari akafara. Akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka vakati kwati kwati nomwoyo wose kuna Tenzi. Bhanabhasi uyu aiva munhu akanaka azere naMweya nechitendero. Chikwata chikuru chakawedzerwa kuna Tenzi. Naizvozvo Bhanabhasi akaenda kuTaso kundotsvaka Sauro. Paakamuwana akauya naye kuAndiyoku. Kwegore rose vaisangana nesangano vachidzidzisa boka guru ravanhu. MuAndiyoku ndimo makatangira vadzidzi kuidaidzwa kunzi vakristu. Pamazuva iwayo vaporofita vakabva kuJerusaremu vachienda kuAndiyoku. Mumwe wavo anonzi Agabhusi akasimuka akafanotaura aina Mweya kuti kuchava nenzara huru pasi pose. Izvi zvakaitikawo pamazuva aKiraudhiosi. Vadzidzi vakatenderana kutumira rubatsiro kune vehama vaigara kuJudhea mumwe nomumwe achipa sokugona kwake. Vakaita saizvozvo. Vakazvitumira kuvakuru vakuru nomumaoko aBhanabhasi naSauro.
Mabasa 11:9-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi inzwi rakapindura rwecipiri, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ico cakanatswa naMŋari, iwe usati, hacina‐kunaka. Iɀoɀi ɀakaitwa katatu, ɀose ɀikakwidzwa ɀe kuɗeŋga. Ipapo, tarira, pakarepo ʋarume ʋatatu ʋamira pamberi peimba, matakaŋga tiri, ʋakaŋga ʋatumirwa kwandiri, ʋacibva Kesaria. Ipapo Mŋeya wakandiʋudza, kuti ndiende naʋo, ndisiŋganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu ʋo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. Iye akatiʋudza ʋo kuti wakaʋona mutumŋa amire mumba make, aciti: Tumira Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; iye ucakuʋudza mashoko aucaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose. Ɀino ndakati ndicataŋga kutaura, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋo, sapamsoro peɗu ʋo pakutaŋga. Ini ndikaraŋgarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabapatidza nemvura, asi imi mucabapatidzwa muMŋeya Mutȿene. Ɀino kana Mŋari akaʋapa cipo ico caakatipa isu, pakutenda kweɗu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigoʋa ani, waigona kudziʋisa Mŋari? Ɀino ʋakati ʋanzwa iɀoɀo, ʋakanyarara, ʋakakudza Mŋari, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, Mŋari wakapa ʋahedeni ʋo kutendeʋuka kwoʋupenyu. Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamsoro paStefano, ʋakaenda kuȿikira paFenikia, neKupro, neAntiokia, ʋasiŋgatauri shoko kumunhu, asi kunaʋaJuda ɓedzi Ɀino pakati paʋo paiʋa naʋamŋe ʋarume ʋeKupro neKurini; iʋo ʋakati ʋaȿika Antiokia, ʋakataura kuʋaGiriki ʋo, ʋaciparidza Ishe Jesu. Ruʋoko rwaShe rukaʋa naʋo, ʋazhinji ʋakatenda, ʋakatendeʋukira kunaShe. Mashoko aʋo akanzwika nekereke paJerusarema, ʋakatuma Barnabasi kuti aende Antiokia. Iye wakati aȿika, akaʋona nyasha dzaMŋari, akafara; akaraira ʋose kuti ʋanamatire Ishe nomŋoyo wakasimba; nokuti waiʋa murume wakanaka, azere noMŋeya Mutȿene nokutenda; ʋazhinji‐zhinji ʋakawedzerwa kunaShe. Iye akaenda Tarso acindotȿaka Sauro. Ɀino wakati amuwana, akaʋuya naye Antiokia. Ipapo ʋakaʋuŋgana nekereke gore rose, ʋakadzidzisa ʋanhu ʋazhinji‐zhinji; paAntiokia ʋadzidzi ʋakataŋga kunzi Ʋakristu. Namazuʋa iwayo ʋaprofita ʋakaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakaenda Antiokia. Mumŋe waʋo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuʋaziʋisa noMŋeya kuti nzara huru icaʋa’po panyika yose; iyo ikaȿika paŋguʋa yaKraudio. Ipapo ʋadzidzi ʋakatenderana, kuti mumŋe nomumŋe paaigona napo atume ɀiŋgaɓatsira hama dzigere Judea. Ʋakaita kuɗaro, ʋakaɀitumira naBarnabasi naSauro kuʋakuru.
Mabasa 11:9-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)