Mabasa 10:34-38
Mabasa 10:34-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama. Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose. Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani, zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.

Mabasa 10:34-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Petirosi akashamisa muromo wake akati, “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye. “Ndiro shoko, raakatuma kuvana vaIsiraeri, achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose). Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGariria, shure kwokubhabhatidza kwakaparidzwa naJohani; raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye.
Mabasa 10:34-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro. Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari. Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose. Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani. Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye.
Mabasa 10:34-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoʋona kuti Mŋari haazi mutsauri waʋanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, aciita ɀakarurama, unogamucirwa naye. Ndiro shoko, raakatuma kuʋana ʋaIsraeri, aciparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe waʋose). Imi munoziʋa shoko iro rakaparidzwa paJudea rose, rakataŋga paGarirea, shure kwokubapatidza kwakaparidzwa naJohane; raJesu weNazareta, kuti Mŋari wakamuzodza noMŋeya Mutȿene nesimba; iye waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye.
Mabasa 10:34-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)