Mabasa 1:6-8
Mabasa 1:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka, vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo. Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
Mabasa 1:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsiraeri nenguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhea yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.”
Mabasa 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?” Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo. Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?”
Mabasa 1:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iʋo, ʋakati ʋaʋuŋgana, ʋakamubvunza, ʋaciti: Ishe, modzosera ʋushe kunaʋaIsraeri neŋguʋa ino here? Akati kwaʋari: Haɀina‐kufanira kuti muziʋe ŋguʋa kana misi yakatarwa naƂaɓa ʋamene nesimba raʋo. Asi mucapiwa simba, kana Mŋeya Mutȿene waʋuya pamsoro penyu; ipapo mucaʋa ɀapupu ɀaŋgu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokuȿikira kumugumo wenyika.
Mabasa 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)