Mabasa 1:6-14
Mabasa 1:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka, vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo. Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.” Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona. Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.” Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta. Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti: Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi; Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifeasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho. Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.
Mabasa 1:6-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsiraeri nenguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhea yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.” Zvino akati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuona. Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena; ivo vakati, “Imi varume veGariria, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, akabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.” Zvino vakadzokera Jerusaremu, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedyo neJerusaremu, nhambo yorwendo rewSabata. Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petirosi, naJohani, naJokobho, naAndireya, naFiripi, naTomasi, naBhatoromeo, naMateu, naJakobho, mwanakomana waArifeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho. Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake.
Mabasa 1:6-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?” Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo. Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?” Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari. Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.” Vakazodzokera kuJerusaremu vachibva kugomo rinonzi Orivheti riri pedyo neJerusaremu, chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi weSabata. Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti Pita naJohani kouya Jemusi naAndireya kwoti Firipi naTomasi kwozoti Bhatoromeo naMateu kwozotiwo Jemusi mwana waArifeosi uyewo Simoni Muziroti naJudhasi mwana waJemusi. Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake.
Mabasa 1:6-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iʋo, ʋakati ʋaʋuŋgana, ʋakamubvunza, ʋaciti: Ishe, modzosera ʋushe kunaʋaIsraeri neŋguʋa ino here? Akati kwaʋari: Haɀina‐kufanira kuti muziʋe ŋguʋa kana misi yakatarwa naƂaɓa ʋamene nesimba raʋo. Asi mucapiwa simba, kana Mŋeya Mutȿene waʋuya pamsoro penyu; ipapo mucaʋa ɀapupu ɀaŋgu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokuȿikira kumugumo wenyika. Ɀino wakati areʋa iɀoɀi, akakwidzwa, ʋacitaririra; gore rikamubvisa, ʋakasazomuʋona. Ɀino ʋacitarisisa kuɗeŋga, iye acikwira, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋamira naʋo ʋakafuka ŋguʋo cena; iʋo ʋakati: Imi ʋarume ʋeGarirea, makamirireiko makatarira kuɗeŋga? Uyu Jesu, wakabʋa kwamuri, akakwidzwa kuɗeŋga, ucaʋuya saiɀoɀo, seɀamamuʋona acienda kuɗeŋga. Ɀino ʋakadzokera Jerusarema, ʋacibva pagomo rinonzi reMiorivi, riri pedyo neJerusarema, nhambo yorwendo rwesaɓata. Ʋakati ʋapinda, ʋakakwira muimba yaiʋa pamsoro, paʋakaŋga ʋagere, ʋaiti: Petro, naJohane, naJakobo, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobo, mŋanakomana waArfeo, naSimoni Zeroti, naJudasi, mŋanakomana waJakobo. Aʋa ʋose ʋakatsuŋgirira nomŋoyo mumŋe pakunyeŋgetera, ʋanaʋakadzi, naMaria, mai ʋaJesu, naʋanuŋuna ʋake.
Mabasa 1:6-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)