Mabasa 1:12-24
Mabasa 1:12-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta. Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti: Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi; Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifeasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho. Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake. Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri) akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu, akanga ari mumwe wedu uye akanga ano mugove muushumiri uhu.” (Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika, ura hwake hukabuda. Munhu wose akanzwa nezvazvo muJerusarema, saka vakatumidza munda uya nomutauro wavo kuti Akeridhama, ndiko kuti, Munda weRopa.) Petro akati, “Nokuti kwakanyorwa mubhuku raMapisarema kuti, “ ‘Musha wake ngauve dongo; ngakurege kuva nomunhu anogaramo,’ uye kuti, “ ‘Mumwe ngaatore nzvimbo yake youtungamiri.’ Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu paaipinda nokubuda pakati pedu, kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.” Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo sokunzi Jastasi) naMatiasi. Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza
Mabasa 1:12-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakadzokera Jerusaremu, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedyo neJerusaremu, nhambo yorwendo rewSabata. Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petirosi, naJohani, naJokobho, naAndireya, naFiripi, naTomasi, naBhatoromeo, naMateu, naJakobho, mwanakomana waArifeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho. Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake. Namazuva iwayo Petirosi akasimuka pakati pehama, vanhu vazhinji vaivapo pamwechete, vanenge zana namakumi maviri, akati, “Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaporofitwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, akanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu. Nokuti akanga averengwa pamwechete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri.” Zvino munhu uyu akatenga munda nomubayiro wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, ura hwake hukabuda hwose. Zvikanzwika navose vaigara Jerusaremu; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akeridhama norurimi rwavo, ndokuti, “Munda weropa.” “Nokuti mubhuku raMapisarema makanyorwa, zvichinzi, ‘Musha wake ngauitwe dongo, Kurege kuva nomunhu anogaramo;’ ‘Uye mumwe ngaapinde pautariri hwake.’ “Zvino pakati pavarume vaiungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu, kutanga pakubhabhatidza kwaJohani, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo anofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwechete nesu.” Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, ainzi Bhasabhasi, akatumidzwawo Jusuto, naMatia. Vakanyengetera, vachiti, “Imi Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakatsanangura kuna ivava vaviri ndoupi
Mabasa 1:12-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazodzokera kuJerusaremu vachibva kugomo rinonzi Orivheti riri pedyo neJerusaremu, chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi weSabata. Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti Pita naJohani kouya Jemusi naAndireya kwoti Firipi naTomasi kwozoti Bhatoromeo naMateu kwozotiwo Jemusi mwana waArifeosi uyewo Simoni Muziroti naJudhasi mwana waJemusi. Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake. Pamazuva iwayo Pita akasimuka pakati pevehama akataura. Gungano iroro raiva zana namakumi maviri avanhu. Akati, “Hama, Magwaro Matsvene aifanira kuzadziswa akafanotaurwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi nezvaJudhasi aiva mutungamiri waavo vakandosunga Jesu. Akanga ari mumwe wedu akapiwa mugove wake mubasa iri.” Zvino murume uyu akatenga munda nomubayiro wouipi hwake. Akaputsika akasvikorovera pasi nouso. Vamwe vanoti akazvimba ndokubva aputika napakati ura hwose hukavhazhuka zvikazivikanwa navagari vose vomuJerusaremu. Munda iwoyo wakazodaidzwa kuti Hakeridhama mumutauro wavo zvichireva kuti munda weropa nokuti zvakanyorwa mubhuku reNziyo kuti, “Musha wake ngauve dongo usawane anogaramo. Basa rake routariri ngaritorwe nomumwe.” Saizvozvo mumwe wavarume vaiva nesu nguva yose, Tenzi Jesu paakanga achiri nesu kutangira paruombeko rwaJohani kusvika pazuva raakatorwa akakwidzwa kudenga, mumwe wavarume ivava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake. Naizvozvo vakaisapo vaviri vaiti Josefi anonzi Bhasabhasi ainziwo Jusitusi naMatiasi. Vakanamata vachiti, “Tenzi, muzivi wemwoyo yavanhu vose, tiratidzei pavaviri ava kuti ndiani wamunosarudza
Mabasa 1:12-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakadzokera Jerusarema, ʋacibva pagomo rinonzi reMiorivi, riri pedyo neJerusarema, nhambo yorwendo rwesaɓata. Ʋakati ʋapinda, ʋakakwira muimba yaiʋa pamsoro, paʋakaŋga ʋagere, ʋaiti: Petro, naJohane, naJakobo, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobo, mŋanakomana waArfeo, naSimoni Zeroti, naJudasi, mŋanakomana waJakobo. Aʋa ʋose ʋakatsuŋgirira nomŋoyo mumŋe pakunyeŋgetera, ʋanaʋakadzi, naMaria, mai ʋaJesu, naʋanuŋuna ʋake. Namazuʋa iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa’po pamŋe cete, ʋaneŋge zana namakumi maʋiri), akati: Ʋarume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMŋeya Mutȿene nomuromo waDavidi, pamsoro paJudasi, wakaŋga ari muperekedzi waʋaya ʋakaɓata Jesu. Nokuti wakaŋga aʋereŋgwa pamŋe cete nesu, akapiwa mugoʋe wake paɓasa iri. (Ɀino munhu uyu wakateŋga munda nomuɓairo weɀisakarurama, akawira pasi neciso, akaparuka napakati, ʋura bgake bgukaɓuɗa bgose. Ɀikanzwika naʋose ʋaigara Jerusarema; naiɀoɀo munda uyu ukatumidzwa Akerdama norurimi rwaʋo, ndokuti: Munda weropa.) Nokuti mubuku yaMapisarema makanyorwa, ɀicinzi: Musha wake ŋgauitwe ɗoŋgo, Kurege kuʋa nomunhu unogara’mo; ʋuye: Mumŋe ŋgaapinde paʋutariri bgake. Ɀino pakati paʋarume ʋaiʋuŋgana nesu ŋguʋa yose, Ishe Jesu yaakapinda nokuɓuɗa nayo pakati peɗu, kutaŋga pakubapatidza kwaJohane, kuȿikira pazuʋa raakabʋa kwatiri, acikwidzwa, mumŋe waʋo unofanira kuʋa capupu cokumuka kwake pamŋe cete nesu. Ɀino ʋakaisa’po ʋaʋiri, ʋaiti: Josefa, wainzi Barsaba, wakatumidzwa ʋo Justo, naMatia. Ʋakanyeŋgetera, ʋaciti: Imi Ishe, munoziʋa mŋoyo yaʋanhu ʋose, ratidzai kuti wamakasanaŋgura kunaiʋaʋa ʋaʋiri ndoupi
Mabasa 1:12-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)