2 Timoti 3:1-9
2 Timoti 3:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nzwisisa izvi zvokuti kumazuva okupedzisira kuchauya nguva yenhamo nokuti vanhu vachava vanhu vanozvida vanokara mari, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina hanya naMwari vasingamboona kuti munhu chii, vasingagoni kuyanana navamwe, vana makuhwa, madzenga avanhu, namagandanga zvawo, vavengi vezvinhu zvakanaka navanhu vasingavimbiki, vanhu vasingabatiki pavo, vanozvitutumadza, vanoda mafaro kupinda Mwari vanechitendero chechipameso ivo vachiramba simba racho. Siyana navanhu vakadaro. Pakati pavo ndipo pana vamwe vanopinda mudzimba dzavanhu vachikachikira vakadzi vakaneta neta uye vakaremerwa nezvitadzo, vanopeperetswa nezvinhu zvose, zvose vanotevera munhu wose wose vasingagoni kusvika pakunzwisisa chokwadi. Sezvakaita Janesi naJamburesi vakapikisa Mosesi, saizvozvo vanhu ava vanopesanawo nechokwadi. Vane pfungwa dzakaora. Vanhu vakakundika muchitendero chavo. Asi hapana kwavanosvika nokuti munhu wose achaziva upenzi hwavo sezvakangoitika kuna varume vaviri ava.
2 Timoti 3:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo. Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji, vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi. Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.
2 Timoti 3:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasa simba rako; ufuratire vanhu ivavawo. Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwewa nokuchiva kuzhinji, zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva chokwadi. Janesi naJambiresi sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa chokwadi, vari vanhu vane ndangariro dzakaodzwa, vakarasika pakutenda. Asi havachapfuuriri mberi, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navose, sezvakazoita hwavo.
2 Timoti 3:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nzwisisa izvi zvokuti kumazuva okupedzisira kuchauya nguva yenhamo nokuti vanhu vachava vanhu vanozvida vanokara mari, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina hanya naMwari vasingamboona kuti munhu chii, vasingagoni kuyanana navamwe, vana makuhwa, madzenga avanhu, namagandanga zvawo, vavengi vezvinhu zvakanaka navanhu vasingavimbiki, vanhu vasingabatiki pavo, vanozvitutumadza, vanoda mafaro kupinda Mwari vanechitendero chechipameso ivo vachiramba simba racho. Siyana navanhu vakadaro. Pakati pavo ndipo pana vamwe vanopinda mudzimba dzavanhu vachikachikira vakadzi vakaneta neta uye vakaremerwa nezvitadzo, vanopeperetswa nezvinhu zvose, zvose vanotevera munhu wose wose vasingagoni kusvika pakunzwisisa chokwadi. Sezvakaita Janesi naJamburesi vakapikisa Mosesi, saizvozvo vanhu ava vanopesanawo nechokwadi. Vane pfungwa dzakaora. Vanhu vakakundika muchitendero chavo. Asi hapana kwavanosvika nokuti munhu wose achaziva upenzi hwavo sezvakangoitika kuna varume vaviri ava.
2 Timoti 3:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino uziʋe cinhu ici, kuti namazuʋa okupedzisira ŋguʋa dzokutambudzika dzicaȿika. Nokuti ʋanhu ʋacaʋa ʋanoɀiɗa, ʋanoɗa mari, ʋanoɀirumbidza, ʋanoɀikudza, ʋanotuka, ʋasiŋgatereri ʋaɓereki, ʋasiŋgaʋoŋgi, ʋasati ʋari ʋatȿene, ʋasinoruɗo cairwo, ʋasiŋgaɗi kuyanana, ʋanocera ʋamŋe, ʋasiŋgaɀidzori, ʋanehasha, ʋasiŋgaɗi ɀinhu ɀakanaka, ʋanonyeŋgera, ʋasiŋgaraŋgariri, ʋanoita manyawi, ʋanoɗa ɀinofadza ɀenyika kupfuʋura Mŋari; ʋanomufananidzo ɓedzi wokunamata Mŋari, asi ʋakarasha simba rako; ufuratire ʋanhu iʋaʋa ʋo. Nokuti pakati paʋo ʋari’po ʋanopinda mudzimba ʋaciʋereʋedza, ʋacitapa ɀikadzi ɀakaremedzwa neɀiʋi, ɀinokwebga nokuciʋa kuzhinji, ɀinoŋgogara ɀicidzidza, asi haɀitoŋgogoni kuȿika pakuziʋa ɀokwaɗi. Jane naJambre seɀaʋakadziʋisa Mosesi, saiɀoɀo iʋo ʋanodziʋisa ɀokwaɗi, ʋari ʋanhu ʋanendaŋgariro dzakaʋodzwa, ʋakarashika pakutenda. Asi haʋacapfuʋuriri mberi, nokuti ʋupenzi bgaʋo bgucaʋonekwa naʋose, seɀakazoita bgaʋo.