Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 3:1-17

2 Timoti 3:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo. Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji, vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi. Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose. Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira, matambudziko, nhamo, nezvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, nokutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose. Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa, asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa. Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani, uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 3

2 Timoti 3:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasa simba rako; ufuratire vanhu ivavawo. Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwewa nokuchiva kuzhinji, zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva chokwadi. Janesi naJambiresi sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa chokwadi, vari vanhu vane ndangariro dzakaodzwa, vakarasika pakutenda. Asi havachapfuuriri mberi, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navose, sezvakazoita hwavo. Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambiro, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira, namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAndioki, napaIkonio, napaRisitira; madambudziko makuru sei andakanzwa; pazvinhu izvozvo zvose Ishe akandisunungura. Zvino, navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa. Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo. Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani, kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Magwaro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 3

2 Timoti 3:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nzwisisa izvi zvokuti kumazuva okupedzisira kuchauya nguva yenhamo nokuti vanhu vachava vanhu vanozvida vanokara mari, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina hanya naMwari vasingamboona kuti munhu chii, vasingagoni kuyanana navamwe, vana makuhwa, madzenga avanhu, namagandanga zvawo, vavengi vezvinhu zvakanaka navanhu vasingavimbiki, vanhu vasingabatiki pavo, vanozvitutumadza, vanoda mafaro kupinda Mwari vanechitendero chechipameso ivo vachiramba simba racho. Siyana navanhu vakadaro. Pakati pavo ndipo pana vamwe vanopinda mudzimba dzavanhu vachikachikira vakadzi vakaneta neta uye vakaremerwa nezvitadzo, vanopeperetswa nezvinhu zvose, zvose vanotevera munhu wose wose vasingagoni kusvika pakunzwisisa chokwadi. Sezvakaita Janesi naJamburesi vakapikisa Mosesi, saizvozvo vanhu ava vanopesanawo nechokwadi. Vane pfungwa dzakaora. Vanhu vakakundika muchitendero chavo. Asi hapana kwavanosvika nokuti munhu wose achaziva upenzi hwavo sezvakangoitika kuna varume vaviri ava. Asi iwe wakanyatsoongorora zvandinodzidzisa, nomugariro wangu, nechinangwa changu muupenyu nechitendero changu nomwoyo murefu wangu norudo rwangu uye kuramba ndakatsungirira kwangu nokutambudzwa kwangu uye nhamo dzangu nezvakandiwira kuAntioku nokuIkoniyo nokuRisitira nokutambudzwa kwandakatirira, asi Tenzi akandinunura kune zvose izvozvi. Vose vanoda upenyu hwokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa asi vanhu vakaipa navanobata vanhu kumeso vanoramba vachinyanya kutadza vachinyengedza vamwe ivowo vachinyengedzwa. Asi iwe ramba uri munezvawakadzidza uye zvawadavira nemwoyo wose uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani. Unofanira kuziva kuti waiziva kubvira pauduku hwako Magwaro Matsvene anokwanisa kukudzidzisa kuti uponeswe nechitendero chako muna Kristu Jesu. Magwaro Matsvene ose akafemerwa naMwari uye ane basa pakudzidzisa napakutsiura napakugadziridza munhu uye pakudzidzisa kuita zvakanaka kuti munhu waMwari ave akakwana akagadzirira basa ripi neripi rakanaka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 3

2 Timoti 3:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino uziʋe cinhu ici, kuti namazuʋa okupedzisira ŋguʋa dzokutambudzika dzicaȿika. Nokuti ʋanhu ʋacaʋa ʋanoɀiɗa, ʋanoɗa mari, ʋanoɀirumbidza, ʋanoɀikudza, ʋanotuka, ʋasiŋgatereri ʋaɓereki, ʋasiŋgaʋoŋgi, ʋasati ʋari ʋatȿene, ʋasinoruɗo cairwo, ʋasiŋgaɗi kuyanana, ʋanocera ʋamŋe, ʋasiŋgaɀidzori, ʋanehasha, ʋasiŋgaɗi ɀinhu ɀakanaka, ʋanonyeŋgera, ʋasiŋgaraŋgariri, ʋanoita manyawi, ʋanoɗa ɀinofadza ɀenyika kupfuʋura Mŋari; ʋanomufananidzo ɓedzi wokunamata Mŋari, asi ʋakarasha simba rako; ufuratire ʋanhu iʋaʋa ʋo. Nokuti pakati paʋo ʋari’po ʋanopinda mudzimba ʋaciʋereʋedza, ʋacitapa ɀikadzi ɀakaremedzwa neɀiʋi, ɀinokwebga nokuciʋa kuzhinji, ɀinoŋgogara ɀicidzidza, asi haɀitoŋgogoni kuȿika pakuziʋa ɀokwaɗi. Jane naJambre seɀaʋakadziʋisa Mosesi, saiɀoɀo iʋo ʋanodziʋisa ɀokwaɗi, ʋari ʋanhu ʋanendaŋgariro dzakaʋodzwa, ʋakarashika pakutenda. Asi haʋacapfuʋuriri mberi, nokuti ʋupenzi bgaʋo bgucaʋonekwa naʋose, seɀakazoita bgaʋo. Asi iwe wakateʋera kudzidzisa kwaŋgu, nomufambire, nokufuŋga, nokutenda, nomŋoyo murefu, noruɗo, nokutsuŋgirira, namaɗambudziko, nenhamo, iɀo ɀakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; maɗambudziko makuru sei andakanzwa; paɀinhu iɀoɀo ɀose Ishe wakandisunuŋgura. Ɀino, naʋose ʋanoɗa kunamata Mŋari munaKristu Jesu ʋacatambudzwa. Asi ʋanhu ʋakaipa naʋanyeŋgeri ʋacanyanyisa pakuipa, ʋacitsausa ʋamŋe nokutsauswa iʋo. Asi iwe, rambira paneɀawakadzidza neɀawakatendiswa, uziʋe kuti wakaɀidzidza kunani, kuti kubvira paʋucece bgako wakaziʋa Manyoro Matȿene anogona kukupa ʋucenjeri bgunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMŋari, runoɓatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuraŋga kuri mukururama, kuti munhu waMŋari akwane, agadzirirwa kwaɀo maɓasa ose akanaka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 3

2 Timoti 3:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)