2 VaTesaronika 3:7-10
2 VaTesaronika 3:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.”
2 VaTesaronika 3:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu; hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere. Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurayirai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.”
2 VaTesaronika 3:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi munoziva wani kuti munofanira kutitevedzera zvakadii. Isu takanga tisingagari maoko patanga tiinemi. Hatina kudya chokudya chomunhu mahara, asi taishanda zvakaoma tichifondoka siku nesikati kuti tirege kuwana watinoremedza. Hazvirevi kuti isu hatina mvumo yokubatsirwa nemi asi kuti tikupei muenzaniso wokuti mutevedzere. Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya.
2 VaTesaronika 3:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti imi munoziʋa mumene, kuti munofanira kutiteʋera isu, nokuti hatina‐kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina‐kutoŋgodya ɀokudya ɀomunhu tisiŋgaripi, asi takaɓate‐ɓasa ʋusiku namasikati, ticitambudzika nokushiŋgaira, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu; hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutuŋgamirirei, mutiteʋere. Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo.
2 VaTesaronika 3:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)