2 VaTesaronika 3:1-18
2 VaTesaronika 3:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri. Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva kune akaipa, nokuti havasi vose vanotenda. Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa. Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai. Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu. Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri. Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.” Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira. Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare. Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama. Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.
2 VaTesaronika 3:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raIshe ripfuure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyuwo; uye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda. Asi Ishe ndiye akatendeka, achakusimbisai, nokukuchengetai kune wakaipa. Tinokutendai muna Ishe, kuti munoita, uye mucharamba muchiita, izvo zvatinokurayarai. Ishe ngaaruramise mwoyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu. Zvino, hama dzangu, tinokurayirai nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirayiro yamakapiwa nesu; nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu; hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere. Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurayirai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.” Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene. Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pano munhu asingateereri shoko redu remutsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuedza muvengi, asi mumurayire sehama. Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitoo yose. Ishe ngaave nemi mose. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora kudai. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.
2 VaTesaronika 3:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pokupedzisira hama dzangu, tinamatireiwo kuti shoko raTenzi rirambe richingomhanya kuenda mberi uye kuti rikunde sezvarakaita pakati penyu uye kuti tinunurwe kuvanhu vakaipa vanyangadzi. Havasi vose vose vane chitendero, asi Tenzi akatendeka achakudzivirirai kumuipi. Isu tine chivimbo muna Tenzi kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatakati muite. Dai Tenzi angotungamirira mwoyo yenyu kurudo rwaMwari uye kuno kutirira kwaKristu. Zvino tinokuudzai hama muzita raTenzi Jesu Kristu kuti siyanai nehama inenge iri nyope isingatevedzi magamuchidzanwa amakagamuchira kwatiri. Imi munoziva wani kuti munofanira kutitevedzera zvakadii. Isu takanga tisingagari maoko patanga tiinemi. Hatina kudya chokudya chomunhu mahara, asi taishanda zvakaoma tichifondoka siku nesikati kuti tirege kuwana watinoremedza. Hazvirevi kuti isu hatina mvumo yokubatsirwa nemi asi kuti tikupei muenzaniso wokuti mutevedzere. Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya. Nokuti tinonzwa kuti vamwe venyu vari kugara zvavo maoko; basa ravo riri rokunekaira chete pasina chavanoita. Zvino tinokomera vanhu vakadaro tichivakurudzira muna Tenzi Jesu Kristu kuti vaite basa ravo chinyararire vachizviwanira zvokurarama nazvo. Hama dzangu musanete mukuita zvakanaka. Kana pane anoramba kuteerera zvatiri kutaura mutsamba ino nyatsomuzivai murege kuva nechii chamunoita naye kuti anyare. Musamutore semhandu asi muyambirei sehama. Zvino Tenzi worugare pachake ngaakupei rugare nguva dzose nenzira dzakasiyana–siyana. Tenzi ngaave nemi mose. Ndini Pauro ndiri kunyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Aya ndiwo masainiro andinoita tsamba dzangu dzose ndiwo manyorero andinoita. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei mose chikomborero chenyasha dzake.
2 VaTesaronika 3:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakupedzisira, hama dzaŋgu, mutinyeŋgeterere, kuti shoko raShe ripfuʋure, rikudzwe, seɀaɀinoitwa kwenyu ʋo; ʋuye, kuti tisunuŋgurwe kuʋanhu ʋasakarurama, ʋakaipa; nokuti haʋazi ʋose ʋanotenda. Asi Ishe ndiye wakatendeka, ucakusimbisai, nokukuceŋgetai kunowakaipa. Tinokutendai munaShe, kuti munoita, ʋuye mucaramba muciita, iɀo ɀatinokurairai. Ishe ŋgaaruramise mŋoyo yenyu muruɗo rwaMŋari, nomukutsuŋgirira kwaKristu. Ɀino, hama dzaŋgu, tinokurairai nezita raShe weɗu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imŋe neimŋe isiŋgafambi netsika dzakafanira, isiŋgatereri mirairo yamakapiwa nesu; nokuti imi munoziʋa mumene, kuti munofanira kutiteʋera isu, nokuti hatina‐kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina‐kutoŋgodya ɀokudya ɀomunhu tisiŋgaripi, asi takaɓate‐ɓasa ʋusiku namasikati, ticitambudzika nokushiŋgaira, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu; hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutuŋgamirirei, mutiteʋere. Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo. Nokuti tinonzwa kuti ʋamŋe pakati penyu haʋafambi netsika dzakafanira, ʋasina‐caʋanoɓata, ʋasiŋgaregi ɀaʋamŋe. Ʋanhu ʋakaɗaro tinoʋaraira nokukumbira kwaʋari munaShe Jesu Kristu, kuti ʋaɓate nokunyarara, ʋadye ɀokudya ɀaʋo ɀimene. Asi imi, hama dzaŋgu, musaneta pakuita ɀakanaka. Kana panomunhu usiŋgatereri shoko reɗu reŋwadi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuidza muʋeŋgi, asi mumuraire sehama. Ɀino, Ishe worugare amene ŋgaakupei rugare misi yose nemitoʋo yose. Ishe ŋgaaʋe nemi mose. Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu, ndico ciratidzo paŋwadi dzose; ndinonyora kuɗai. Nyasha dzaShe weɗu Jesu Kristu ŋgadziʋe nemi mose.
2 VaTesaronika 3:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)