2 VaTesaronika 1:5-12
2 VaTesaronika 1:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira. Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai, uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri. Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka nebasa rose rakamutswa nokutenda kwenyu. Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.
2 VaTesaronika 1:5-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa noushe hwaMwari hwamunotambudzikirawo; zvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai; nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwechete nesu pakuonekwa kwaIshe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Vhangeri yalshe wedu, Jesu; ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paIshe, napakubwinya kwesimba rake, kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa). Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda; kuti zita raIshe wedu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.
2 VaTesaronika 1:5-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvose izvozvi zvinoratidza kugona kutonga kwaMwari kuti imi munokodzera kupinda muumambo hwaMwari hwamuri kutamburira uyewo nokuti Mwari anozviona chiri chinhu chinokodzera kutsividza nenhamo avo vanokutambudzai. Achakupai zororo pamwechete nesu imi muri kuoneswa nhamo kana Tenzi Jesu oratidzwa achibva kudenga navatumwa vake vane simba mumoto unonganduma. Achatsividza avo vasingazivi Mwari navavo vasingateereri Shoko Rakanaka raTenzi wedu Jesu. Vachatambura neshamhu yokuparadzwa zvisina mugumo uye vachabviswa pana Tenzi nekumbiri yesimba rake paanouya musi iwoyo kuzorumbidzwa muvatsvene vake uye kuzoyemurwa pamusana pavavo vakatenda kwaari nokuti makagamuchira kupupura kwedu. Pamusana paizvozvi tinonamata nguva dzose kuti Mwari wedu aite kuti imi muve vanhu vakakodzera kukudaidzai kwaakaita uye kuti aite kuti zvakanaka zvamunoda kuita zvechitendero zvibudirire nesimba rake, izvi kuri kuitira kuti zita raTenzi wedu Jesu rirumbidzwe mamuri imiwo murumbidzwe maari maererano nenyasha dzaMwari wedu nedzaTenzi Jesu Kristu.
2 VaTesaronika 1:5-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀinoratidza kutoŋga kwakarurama kwaMŋari; kuti mugonzi makafanirwa noʋushe bgaMŋari, bgamunotambudzikira ʋo; ɀaɀakarurama kunaMŋari, kuti atsiʋe nokutambudzika iʋaʋo ʋanokutambudzai; nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamŋe cete nesu pakuʋonekwa kwaShe Jesu, kana acibva kuɗeŋga naʋatumŋa ʋesimba rake, mumŋoto unopfuta, acitsiʋa aʋo ʋasiŋgaziʋi Mŋari, naʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaShe weɗu, Jesu; iʋo ʋacarobga nokuparadzwa kusiŋgaperi, kuti ʋabve pamberi paShe, napakubginya kwesimba rake, kana aciʋuya kuzorumbidzwa muʋatȿene ʋake, nokukanukirwa munaʋose ʋanotenda nezuʋa irero; (nokuti kupupura kweɗu kwamuri kwakatendwa). Naiɀoɀo tinokunyeŋgetererai ʋo ŋguʋa dzose, kuti Mŋari weɗu ati, makafanirwa nokuɗanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuɗa kwenyu kwose kuita ɀakanaka namaɓasa ose okutenda; kuti zita raShe weɗu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, seɀadzakaita nyasha dzaMŋari weɗu nedzaShe Jesu Kristu.
2 VaTesaronika 1:5-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)