2 VaTesaronika 1:3-4
2 VaTesaronika 1:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura. Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.

2 VaTesaronika 1:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda; nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
2 VaTesaronika 1:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura. Naizvozvo isu pachedu tinodada nemi mumasangano aMwari nokuda kwokutsungirira kwenyu pakutenda mukutambudzwa kwenyu kose nenhamo dzamunotakurana nadzo.
2 VaTesaronika 1:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda; nokuɗaro isu timene tinoɀirumbidza mamuri pakereke dzaMŋari pamsoro pokutsuŋgirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
2 VaTesaronika 1:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)