2 Samueri 5:1-5
2 Samueri 5:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ ” Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana. MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu.
2 Samueri 5:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, “Tarirai tiri mapfupa enyu nenyama yenyu. Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri. Dhavhidhi wakanga ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana. Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose.
2 Samueri 5:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzinza ose okwaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni akati, “Zvamuchione, izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi. Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ” Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakatanga kutonga, akatonga kwamakumi mana amakore. Akatonga vokwaJudna kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu ari kuHebhuroni. Akazotongawo kwaIsiraeri kwose nokwaJudha kwamakore makumi matatu namatatu ari kuJerusaremu.
2 Samueri 5:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino marudzi ose aʋaIsraeri akaʋuya kunaDavidi paHebroni, akataura, akati: Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu. Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri. Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo paHebroni, mambo Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri. Davidi wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anamakumi manna. Akaɓata ʋushe paHebroni paʋaJuda makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋo ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu paʋaIsraeri naʋaJuda ʋose.
2 Samueri 5:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)