Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 4:1-12

2 Samueri 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka. Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rinoverengerwawo kuna Bhenjamini, nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.) Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti. Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwaIshi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati. Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya padumbu. Ipapo Rekabhu nomununʼuna wake Bhaana vakabva vatiza. Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha. Vakandosvika nomusoro wa Ishi-Bhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.” Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uyo akandinunura munjodzi dzose, pandakaudzwa nomumwe murume kuti, ‘Sauro afa,’ iye achifunga kuti ari kuuya nenhau dzakanaka, ndakamubata ndikamuuraya paZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa pamashoko ake! Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!” Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Samueri 4

2 Samueri 4:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Ishibhosheti mwanakomana waSauro, akati anzwa kuti Abhineri wakanga afa paHebhuroni, maoko ake akashaiwa simba, navaIsiraeri vose vakavhunduka. Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaama, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini; vaBheeroti vakatizira Gitaimu, vakava vatorwapo kusvikira nhasi). Zvino Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga ano mwanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakanga ava namakore mashanu panguva yokusvika kweshoko rokuurawa kwaSauro naJonatani paJezereri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara. Zita rake rakanga riri Mefibhosheti. Vana vaRimoni muBheeroti, vanaRekabhu naBhaana, vakaenda, vakasvika paimba yaIshibhosheti zuva richipisa, iye achizorora masikati. Vakapinda mukati meimba, vachiita sokuda kutora zviyo, vakamubaya nomudumbu; Rekabhu naBhaana ndokutiza. Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose. Vakaisa musoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, “Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.” Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana munun’una wake, vana vaRimoni muBheeroti, akati kwavari, “NaJehovha mupenyu, wakadzikinura mweya wangu panjodzi dzose, musi wandakaudzwa nomumwe, achiti, ‘Tarirai, Sauro afa,’ achifunga kuti wauya neshoko rakanaka, ndakamubata, ndikamuuraya paZikiragi; ndiwo waiva mubayiro wandakamupa pamusoro peshoko rake. Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhoo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?” Ipapo Dhavhidhi akaraira majaya vakavauraya vakavagura maoko avo netsoka dzavo, vakavaturika kurutivi rwedziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshibhosheti, vakauviga muhwiro hwaAbhineri paHebhuroni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Samueri 4

2 Samueri 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kuzoti Ishibhosheti mwanakomana waSauro anzwa kuti Abhuneru akafira kuHebhuroni zvakamupedza simba, zvikakangaidzawo vokwaIsiraeri vose. Zvino mwana waSauro uyu aiva navarume vaviri vaiva vokutungamirira zvikwata zvavapambi. Mumwe ainzi Bhaana, mumwe achinzi Rekabhu vanakomana vaRimoni mumwe murume wokwaBhenjamini wokuBheeroti (nokuti Bheeroti iyi inonzi ndeye vokwaBhenjamini. Bheeroti akatizira kuGitaimu, nanhasi wose achiri kugarako somutorwa). Jonatani mwanakomana waSauro akanga aine mwana wake mukomana akaremara makumbo. Zvakanga zvaitika ndezvizvi: mwana uyu aine makore mashanu pakauya shoko riya rezvaSauro naJonatani richibva kuJezirieri; mureri wake akangoti nho mwana ndokutiza. Achingunotiza kudaro zvechimbichimbi, mwana ndiye pasi pu achibva aremara. Mwana uyu ainzi Mefibhosheti. Zvino vana vaRimoni wokuBheeroti vanaRekabhu naBhaana vakasimuka vakandosvika kumba kwaIshibhosheti zuva richirova nhongonya iye akanga ari panguva yake yamasikati yokuzorora. Vakapinda mumba yomukati vachiita sokunge vari kuda kundotora koroni vakabva vamubhovhora padumbu. Rekabhu nomunun'una wake Bhaana ndokubva vatiza. Vakapinda mumba make, iye ari kutsi kwehope pamubhedha pake kudaro, vakamubaya vakamuuraya vakamudimura musoro. Vakatakura musoro wake vakararirofamba usiku hwose nomunzira yokuArabha. Vakasvika nomusoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi kuHebhuroni. Vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu aida kukuurayai. Mambo changamire, Tenzi akutsivirai Sauro navana vake nhasi uno.” Asi Dhavhidhi akapindura Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vanakomana vaRimoni vokuBheeroti achiti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu akandinunura munjodzi dzose kuti mumwe paakandiudza kuti, ‘Sauro afa uku,’ achifunga kuti ari kutondiunzira dama rakanaka, ndakamubata ndikamuuraya kuZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa. Ndoda kutozoti apa, vanhu vakaipa vatouraya zvavo mururami mumba make ari pamubhedha wake; imi ndimi vandichaita kuti muripe ropa romunhu iyeyo nokukutsakatisai panyika kwandichaita.” Dhavhidhi akabva atuma majaya ake, akavauraya akavadimura maoko netsoka, vakavasungirira pedyo nedziva kuHebhuroni. Asi musoro waIshibhosheti vakautora vakauviga muguva raAbhuneru kuHebhuroniko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Samueri 4

2 Samueri 4:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Ishi‐bosheti mŋanakomana waSauro, wakati anzwa kuti Abineri wakaŋga afa paHebroni, maʋoko ake akashaiwa simba, naʋaIsraeri ʋose ʋakavunduka. Ɀino mŋanakomana waSauro wakaŋga anaʋarume ʋaʋiri ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋamapoka; zita romumŋe rakaŋga riri Baana, zita romumŋe Rehabi; ʋaiʋa ʋana ʋaRimoni muBeeroti, waʋana ʋaBenjamini; (nokuti Beeroti rakaŋga riciʋereŋgerwa ʋo kunaBenjamini; ʋaBeeroti ʋakatizira Gitaimi, ʋakaʋa ʋatorwa’po kuȿikira nhasi). Ɀino Jonatani mŋanakomana waSauro, wakaŋga anomŋanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakaŋga aʋa namakore mashanu paŋguʋa yokuȿika kweshoko rokuʋurawa kwaSauro naJonatani paJezreeri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; ɀino wakati acikurumidza kutiza, mŋana akawa, akaremara. Zita rake rakaŋga riri Mefibosheti. Ʋana ʋaRimoni muBeeroti, ʋanaRekabi naBaana, ʋakaenda, ʋakaȿika paimba yaIshi‐bosheti zuʋa ricipisa, iye acizorora masikati. Ʋakapinda mukati meimba, ʋaciita sokuɗa kutora ɀiyo, ʋakamuɓaya nomuɗumbu; Rekabi naBaana ndokutiza. Nokuti ʋakaŋga ʋapinda mumba, iye aʋete panhoʋo dzake mumba make mokuʋata, ʋakamuɓaya, ʋakamuʋuraya, ʋakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, ʋakaenda nenzira yeAraba ʋusiku bgose. Ʋakaisa musoro waIshi‐bosheti kunaDavidi paHebroni, ʋakati kunamambo: Hoyo musoro waIshi‐bosheti mŋanakomana waSauro muʋeŋgi wenyu, wakaŋga acitȿaka kukuʋurayai; Jehova wakatsiʋa ishe waŋgu mambo nhasi pamsoro paSauro naʋana ʋake. Davidi akapindura Rekabi naBaana munuŋuna wake, ʋana ʋaRimoni muBeeroti, akati kwaʋari: NaJehova mupenyu, wakadzikinura mŋeya waŋgu panjodzi dzose, musi wandakaʋudzwa nomumŋe, aciti: Tarirai, Sauro wafa, acifuŋga kuti waʋuya neshoko rakanaka, ndakamuɓata, ndikamuʋuraya paZikragi; ndiwo waiʋa muɓairo wandakamupa pamsoro peshoko rake. Ndoɗa kana ʋanhu ʋakaipa ʋaʋuraya munhu wakarurama hake mumba make, aʋete panhoʋo dzake, handiŋgareʋi ropa rake pamaʋoko enyu ɀino, ndikakubvisai panyika here? Ipapo Davidi akaraira majaya ake, ʋakaʋaʋuraya, ʋakagura maʋoko aʋo netsoka dzaʋo, ʋakaʋaturika kurutiʋi rwedziʋa paHebroni. Asi ʋakatora musoro waIshi‐bosheti, ʋakauʋiga mubgiro bgaAbineri paHebroni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Samueri 4

2 Samueri 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)